< Zvakazarurwa 6 >
1 Ndakatarisa Gwayana paraizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe. Ipapo ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi rainge rokutinhira, “Uya!”
ᎠᎴ ᏕᏥᎦᏅᎩ ᎤᏃᏕᎾ ᎠᎩᎾ ᎤᏲᏍᏔᏅ ᏌᏉ ᎠᏍᏚᏛ ᎪᏪᎵ; ᎠᎴ ᎠᏆᏛᎦᏅᎩ ᎠᏴᏓᏆᎶᏍᎩ ᏧᏃᏴᎪ ᎾᏍᎩᏯᎢ, ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎠᏏᏴᏫ ᏅᎩ ᎢᏯᏂᏛ ᎨᏒ ᏗᏅᏃᏛ, ᎯᎠ ᏂᎦᏪᏍᎬᎩ, ᎡᎭᎦᏔᏄᎦ.
2 Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena! Akanga akaritasva akanga akabata uta, uye akapiwa korona, akakwira akabuda somukundi kuti andokunda.
ᎠᎴ ᏫᏓᏆᎧᎾᏅᎩ, ᎠᎴ ᎬᏂᏳᏉ ᎤᏁᎬ ᏐᏈᎵ [ ᏫᏥᎪᎥᎩ ] ᎠᎴ ᎾᎿᎭᎤᎩᎵ ᎦᎶᏣᏗ ᎦᏁᎲᎩ; ᎠᎴ ᎠᎵᏍᏚᎶ ᎠᏥᏅᏁᎸᎩ; ᎠᎴ ᎤᏪᏅᏒᎩ ᏫᏓᏎᎪᎩᏍᎬᎩ, ᎠᎴ ᏫᎬᏓᏎᎪᎩᏏᏒᎩ.
3 Gwayana rakati razarura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya!”
ᎠᎴ ᏔᎵᏁ ᎠᏍᏚᎲ ᎤᏍᏚᎢᏒ, ᎠᏆᏛᎦᏅᎩ ᏔᎵᏁ ᎬᏃᏛ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ, ᎡᎭᎦᏔᏄᎦ.
4 Ipapo rimwe bhiza rakabuda, riri dzvuku kwazvo. Mutasvi waro akapiwa simba rokubvisa rugare panyika nokuita kuti vanhu vaurayane. Munondo mukuru wakapiwa kwaari.
ᎠᎴ ᏅᏩᏓᎴ ᏐᏈᎵ ᎤᏄᎪᏨᎩ, ᎠᎩᎦᎨᎢ; ᎠᎴ ᎠᎦᎵᏍᎪᎸᏓᏁᎸᎩ ᎾᎿᎭᎤᎩᎵ ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎨᏒ ᎤᏄᎪᏫᏍᏗᏱ ᎡᎶᎯ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏩᏂᏐᏗᏱ ᎤᏅᏒᏉ ᏧᎾᏓᎯᏍᏗᏱ; ᎠᎴ ᎡᏆ ᎠᏰᎳᏍᏗᎦᏅᎯᏛ ᎠᏥᏕᎸᎩ.
5 Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake.
ᎠᎴ ᏦᎢᏁ ᎠᏍᏚᎲ ᎤᏍᏚᎢᏒ, ᎠᏆᏛᎦᏅᎩ ᏦᎢᏁ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎬᏃᏛ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ, ᎡᎭᎦᏔᏄᎦ. ᎠᎴ ᏓᏆᎧᎾᏅᎩ, ᎠᎴ ᎬᏂᏳᏉ ᎬᎿᎭᎨ ᏐᏈᎵ; ᎠᎴ ᎾᎿᎭᎤᎩᎵ ᏗᎦᏛᏗ ᏕᎦᏁᎲᎩ.
6 Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti, “Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye musakanganisa mafuta newaini!”
ᎠᎴ ᎧᏁᎬ ᎠᏆᏛᎦᏅᎩ [ ᏛᏓᎴᎲᏍᎬᎩ ] ᎠᏰᎵ ᏅᎩ ᎢᏯᏂᏛ ᏗᏅᏃᏛ ᏄᎾᏛᏅᎢ, ᎯᎠ ᏅᏓᎦᏪᏍᎬᎩ, ᏥᏂᎩ ᎠᏟᎶᏍᏗ ᎠᎧᎵᎢ ᎤᏣᎴᏍᏗ ᎠᎩᏏᏧᎬᏩᎶᏗ ᎠᎫᏴᏗ, ᎠᎴ ᏥᏂᎩ ᎠᏟᎶᏍᏗ ᏦᎢ ᎢᏯᎧᎵᎢ ᎤᏣᎴᏍᏗ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᎩᏏ-ᏧᎬᏩᎶᏗ ᎠᎫᏴᏗ; ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᎪᎱᏍᏗ ᏗᏨᏁᎸᎩ ᎪᎢ ᎠᎴ ᎩᎦᎨ-ᎠᏗᏔᏍᏗ.
7 Gwayana rakati razarura chisimbiso chechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya!”
ᎠᎴ ᏅᎩᏁ ᎠᏍᏚᎲ ᎤᏍᏚᎢᏒ, ᎠᏆᏛᎦᏅᎩ ᎧᏁᎬ ᏅᎩᏁ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎬᏃᏛ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᏍᎬᎢ, ᎡᎭᎦᏔᏄᎦ.
8 Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakacheneruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika. (Hadēs )
ᎠᎴ ᏫᏓᏆᎧᎾᏅᎩ, ᎠᎴ ᎬᏂᏳᏉ ᎤᏬᏓᎸ [ ᏗᎧᏃᏗᏱ ] ᏐᏈᎵ [ ᏫᏥᎪᎥᎩ ]; ᎠᎴ ᎾᎿᎭᎤᎩᎵ ᎠᏲᎱᎯᏍᏗ ᏚᏙᎥᎩ, ᎠᎴ ᏨᏍᎩᏃ ᎤᏍᏓᏩᏗᏒᎩ; ᎠᎴ ᎨᎦᎵᏍᎪᎸᏓᏁᎸᎩ ᎾᏍᎩ ᏅᎩ ᎢᎦᏛᎯ ᎨᏒ ᎡᎶᎯ ᎾᏍᎩ ᏌᏉ ᏄᏓᎥ ᎾᎿᎭᏧᏂᎯᏍᏗᏱ ᎠᏰᎳᏍᏗᎦᏅᎯᏛ ᎬᏗ, ᎠᎴ ᎠᎪᏄ ᎬᏗ, ᎠᎴ ᎥᏳᎩ ᎬᏗ, ᎠᎴ ᎢᎾᎨ ᎠᏁᎯ ᎤᏂᏍᎦᏎᏗ ᏗᎬᏗ. (Hadēs )
9 Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yaavo vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwokupupura kwavakanga vaita.
ᎠᎴ ᎯᏍᎩᏁ ᎠᏍᏚᎲ ᎤᏍᏚᎢᏒ, ᎠᏥᎸᎨᎳᏍᏗᏱ ᎭᏫᏂᏢ ᏓᎩᎪᎲᎩ ᏧᎾᏓᏅᏙ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᏗᎨᏥᎸᎯ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵ ᎧᏃᎮᏛ ᎤᏂᏍᏛᏛᎯ, ᎠᎴ ᏄᏍᏛ ᎤᏃᎯᏳᏔᏅ ᎤᏂᏍᏛᏛᎯ;
10 Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”
ᎠᎴ ᎠᏍᏓᏯ ᎤᏁᎷᏅᎩ ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏒᎩ, ᎢᎳᎪ ᏅᏓᎪᎯᏥ ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᏂᎯ ᏂᏍᎦᏅᎾ ᎠᎴ ᏚᏳᎪᏛ ᎢᎭᏛᏁᎯ, ᎩᎳ ᏙᏓᎩᏳᎪᏓᏁᎸ ᏓᎩᏍᏛᏗᏍᏔᏂ ᎠᎴ ᏓᎩᏯᏞᏤᎢ ᎣᎩᎩᎬ [ ᎤᏂᏨᏅ ] ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎡᎶᎯ ᏣᏁᎭ.
11 Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena, uye vakaudzwa kuti vamirire kwechinguva chiduku, kusvikira kuwanda, kwavamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo avo vaifanira kuurayiwa saivo, kwakwana.
ᎠᎴ ᎠᏂᏏᏴᏫᎭ ᎨᏒ ᏧᏁᎬ ᏕᎨᏥᏅᏁᎸᎩ ᏗᏄᏬ; ᎠᎴ ᎨᏥᏃᏁᎸᎩ ᎠᏏ ᏞᎦ ᎤᎾᏣᏪᏐᎸᏍᏙᏗᏱ ᎨᏒ ᎬᏂ ᎢᏧᎳᎭ ᎨᏥᏅᏏᏙᎸᎯ ᎠᎴ ᎾᏍᏉ ᎠᎾᎵᏅᏟ ᏄᏂᎪᎸᎾ ᏂᎨᎬᏁᎸ, ᎾᏍᎩ ᏕᎨᏥᎸ ᎾᏍᎩᏯ ᎤᏅᏒ ᏂᎨᎬᏁᎸᎢ.
12 Ndakatarira paaizarura chisimbiso chechitanhatu. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Zuva rakasviba rikaita senguo dzamasaga dzakaitwa namakushe embudzi, mwedzi wose ukashanduka ukatsvuka seropa,
ᎠᎴ ᏑᏓᎵᏁ ᎠᏍᏚᎲ ᎤᏍᏚᎢᏒ ᏕᏥᎦᏅᎩ, ᎠᎴ ᎬᏂᏳᏉ ᎦᏙᎯ ᎤᏣᏘ ᎤᎵᏖᎸᏅᎩ; ᎠᎴ ᏅᏙ ᎢᎦ-ᎡᎯ ᎬᎿᎭᎨ ᏄᎵᏍᏔᏅᎩ ᎾᏍᎩᏯ ᎤᏏᏕᏅ ᎠᏄᏬ ᎪᏢᏔᏅᎯ, ᏅᏙᏃ ᏒᏃᏱ ᎡᎯ ᎩᎬ ᎾᏍᎩᏯ ᏄᎵᏍᏔᏅᎩ.
13 uye nyeredzi dzomudenga dzakawira panyika, samaonde eshure azuka kubva mumuonde paunenge wazungunuswa nemhepo ine simba.
ᏃᏈᏏᏃ ᎦᎸᎶᎢ ᎠᏂᎧᎸ ᎤᏂᏅᎪᎣᏒᎩ ᎠᎴ ᎡᎶᎯ ᎤᏂᎳᎨᏯᏛᏨᎩ, ᎾᏍᎩᏯ ᏒᎦᏔ-ᎢᏳᏍᏗ ᏡᎬ ᏣᏂᏅᎪᎠᏍᎪ ᎤᎾᏓᏙᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒ ᎤᎾᏓᏔᏅᎯ, ᎾᎯᏳ ᎤᏣᏘ ᎦᏃᎸᎥᏍᎬ ᏧᏖᎸᎲᏍᎪᎢ;
14 Denga rakabva sebhuku rinopetwa, uye makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
ᎠᎴ ᎦᎸᎶᎢ ᎤᏓᏅᏒᎩ ᎾᏍᎩᏯ ᎪᏪᎵ ᏣᎦᏇᏅᏍᎪᎢ; ᎠᎴ ᏂᎦᏛ ᏕᎣᏓᎸ ᎠᎴ ᎠᎹᏰᎵ ᏚᏪᎧᎲᎢ ᏚᏓᏅᏒᎩ ᎾᎿᎭᏄᎾᏛᏅᎢ.
15 Ipapo madzimambo enyika, machinda, vatungamiri, vapfumi, vane simba, navaranda vose uye navanhu vakasununguka vakavanda mumapako napakati pamabwe amakomo.
ᎠᎴ ᎤᏂᎬᏫᏳᎯ ᎡᎶᎯ ᎠᏁᎯ, ᎠᎴ ᎨᏥᎸᏉᏗ ᎠᏂᏍᎦᏯ, ᎠᎴ ᏧᏁᎿᎭᎢ ᎠᏂᏍᎦᏯ, ᎠᎴ ᏄᏂᎬᏫᏳᏒ ᏗᎾᏓᏘᏂᏙᎯ, ᎠᎴ ᏧᎾᎵᏂᎩᏛ ᎠᏂᏍᎦᏯ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᏗᎨᏥᎾᏝᎢ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᏂᏗᎨᏥᎾᏝᎥᎾ, ᎤᎾᏗᏍᎦᎳᏅᎩ ᏚᏍᏓᎦᎸᎢ, ᎠᎴ ᏅᏲᎯ ᏕᎨᏒ ᏙᏓᎸᎢ;
16 Vakadanidzira kumakomo nokumabwe vachiti, “Wirai pamusoro pedu uye mutivige kubva kuchiso chaiye anogara pachigaro choushe nepahasha dzeGwayana!
ᎠᎴ ᏙᏓᎸ ᎠᎴ ᏅᏯ ᎯᎠ ᏂᏚᏂᏪᏎᎸᎩ, ᏍᎩᏯᏐᎥᎦ, ᎠᎴ ᏍᎩᏴᏍᎦᎸᎥᎦ ᎾᏍᎩ ᎣᎩᎪᏩᏛᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎦᏍᎩᎸ ᎤᏬᎵ, ᎠᎴ ᎤᏃᏕᎾ ᎠᎩᎾ ᎤᏔᎳᏬᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᎣᎦᏢᏔᏍᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ;
17 Nokuti zuva guru rehasha dzavo rasvika, uye ndianiko anogona kumira?”
ᎦᎸᏉᏗᏳᏰᏃ ᎢᎦ ᎾᎯᏳ ᎤᏔᎳᏬᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᎤᏍᏆᎸᎲ; ᎦᎪᏃ ᏰᎵ ᎬᏩᎴᏗ ᎨᏎᏍᏗ?