< Zvakazarurwa 5 >

1 Ipapo ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanga rakapetwa, rakanga rakanyorwa kumativi ose uye rakanamwa nezvisimbiso zvinomwe.
I saw the one sitting on the throne holding a scroll in his right hand. The scroll was written on both sides and was sealed with seven seals.
2 Uye ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru achiti, “Ndiani akafanira kusunungura chisimbiso nokuzarura bhuku rakapetwa?”
I saw a powerful angel shouting in a loud voice, “Who is worthy to open the scroll and break its seals?”
3 Asi hakuna munhu kudenga kana panyika kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rakapetwa kana kunyange kutarira mukati maro.
Nobody in heaven, or on earth, or under the earth was able to open the scroll and read it.
4 Ndakachema nokuchema kukuru nokuti hakuna munhu akawanikwa akanga akafanira kuzarura bhuku rakapetwa kana kutarira mukati maro.
I cried many tears because nobody could be found who was worthy to open the book and read it.
5 Ipapo mumwe wavakuru akati kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.”
One of the elders spoke to me and said, “Don't cry. Look, the Lion of the tribe of Judah, the descendant of David, has won the battle and can open the scroll and its seven seals.”
6 Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.
I saw a Lamb that looked as if it had been killed standing in the center by the throne and the four living creatures, among the elders. He had seven horns and seven eyes that are the seven Spirits of God that are sent out to all the earth.
7 Rakauya rikatora bhuku rakapetwa muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe.
He went and took the scroll from the right hand of the one that sat on the throne.
8 Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene.
When he had taken the scroll, the four living creatures and the twenty-four elders fell down before the Lamb. Each of them had a harp and golden bowls full of incense, which are the prayers of the believers.
9 Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
They sang a new song, “You are worthy to take the scroll and open its seals, for you were slain and with your blood you redeemed for God people from every tribe, language, people, and nation.
10 Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu, uye vachatonga panyika.”
You made them into a kingdom and priests for our God, and they will reign on the earth.”
11 Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru.
As I looked I heard the voices of millions of angels around the throne, together with the living creatures and the elders,
12 Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!”
shouting loudly together: “The Lamb that was slain is worthy to receive authority, wealth, wisdom, strength, honor, glory, and blessing.”
13 Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” (aiōn g165)
Then I heard every creature in heaven, on earth, and under the earth, in the sea—every creature everywhere—replying: “To the one who sits on the throne, and to the Lamb be blessing, honor, glory, and authority, for ever and ever.” (aiōn g165)
14 Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.
The four living creatures said, “Amen!” and the elders fell down and worshiped.

< Zvakazarurwa 5 >