< Zvakazarurwa 5 >

1 Ipapo ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanga rakapetwa, rakanga rakanyorwa kumativi ose uye rakanamwa nezvisimbiso zvinomwe.
我看见坐在宝座上那位,右手拿着书卷,书卷两面都写满了字,有七个封印。
2 Uye ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru achiti, “Ndiani akafanira kusunungura chisimbiso nokuzarura bhuku rakapetwa?”
我又看见一位力量强大的天使,大声喊道:“谁配展开这书卷并拆开它的封印?”
3 Asi hakuna munhu kudenga kana panyika kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rakapetwa kana kunyange kutarira mukati maro.
在天上、地上和地底,没有人能够展开书卷阅读。
4 Ndakachema nokuchema kukuru nokuti hakuna munhu akawanikwa akanga akafanira kuzarura bhuku rakapetwa kana kutarira mukati maro.
找不到配展开并阅读书卷的人,我为之大哭。
5 Ipapo mumwe wavakuru akati kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.”
一位长老对我说:“不要哭!看,犹大部落的狮子、大卫的后裔,他已经赢得这场战斗,能够展开书卷,拆开它的七印。”
6 Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.
我看见在宝座和四个活物中间,在众长老之中,有一个羊羔,好像被杀掉了,有七个羊角和七个眼睛,那是上帝的七灵,被派到世界各地。
7 Rakauya rikatora bhuku rakapetwa muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe.
羊羔走过去,从宝座上那位的右手拿了书卷。
8 Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene.
拿到书卷后,四个活物和二十四位长老俯伏在羊羔前,各拿着琴和盛满了香的金炉,这香是众信徒的祈祷。
9 Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
他们唱着一首新歌:“你配拿到书卷并拆开封印,因你曾被杀,用你的血从所有部落、语言、民族和国家处赎回上帝的人。
10 Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu, uye vachatonga panyika.”
你让他们成为我们上帝的国和祭司,他们要在人间执掌王权。”
11 Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru.
我继续看着,听见千万天使的声音,他们都围在宝座、活物和长老的周围,
12 Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!”
大声说:“被杀的羊羔配得上获得权能、财富、智慧、力量、尊贵、荣耀和祝福!”
13 Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” (aiōn g165)
我又听见在天上、地上、地底和海中的一切造物,以及天地间的万物都说:“愿祝福、尊贵、荣耀和权利,都归于坐在宝座上的那一位和羊羔,直到永远!” (aiōn g165)
14 Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.
四个活物说:“阿门!”众长老也俯伏敬拜。

< Zvakazarurwa 5 >