< Zvakazarurwa 4 >

1 Shure kwaizvozvi ndakatarisa, uye ipapo pamberi pangu pakanga pano mukova wakanga wakazaruka kudenga. Uye inzwi randakanzwa richitaura kwandiri rakanga rakaita sehwamanda, rakati, “Kwira kuno, ndigokuratidza zvinofanira kuitika shure kwaizvozvi.”
Shure kweizvi ndakaona, zvino tarira, mukova wakazaruka kudenga, nenzwi rekutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni, richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinhu zvinofanira kuitika shure kweizvi.
2 Pakarepo ndakava muMweya, uye ipapo pamberi pangu pakava nechigaro choushe kudenga, nomumwe akanga agere pamusoro pacho.
Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.
3 Uye akanga agerepo akanga akaita sedombo rejasipa nekarineri. Muraravungu, wakanga wakafanana nedombo reemaradhi, wakanga wakakomberedza chigaro choushe.
Iye wakange agere pakuonekwa wakange akafanana nebwe rejasipisi nesadhio; nemurarabungu wakakomberedza chigaro cheushe waitaridzika sebwe reemaradhi.
4 Zvimwe zvigaro zvoushe makumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro choushe, uye vakanga vagere pamusoro pazvo vakanga vari vakuru makumi maviri navana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vane korona dzegoridhe mumisoro yavo.
Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere, vakapfeka nguvo chena, uye vakange vane korona dzegoridhe pamisoro yavo.
5 Pachigaro choushe pakabuda kupenya kwemheni, kudengenyeka uye namaungira okutinhira. Pamberi pechigaro choushe, pakanga pane mwenje minomwe yaipfuta. Iyi ndiyo mweya minomwe yaMwari.
Nepachigaro cheushe pakabuda mheni nekutinhira nemanzwi; nemwenje minomwe yemoto ichipfuta pamberi pechigaro cheushe, iri Mweya minomwe yaMwari.
6 Pamberi pechigaro choushe paivawo nezvaitarisika segungwa regirazi, rakachena sedombo rekristaro. Pakati, paipoteredza chigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina, uye zvakanga zvakafukidzwa nameso, mberi neshure.
Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.
7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakaita seshumba, chechipiri chakanga chakaita senzombe, chechitatu chakanga chine chiso sechomunhu, chechina chakanga chakaita segondo rinobhururuka.
Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka.
8 Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakanga china mapapiro matanhatu uye chakanga chakafukidzwa nameso kumativi ose, kunyange pasi pamapapiro acho. Masikati nousiku hazvina kumborega kuti:
Nezvisikwa zvipenyu izvi chimwe nechimwe chakange chine mapapiro matanhatu mativi ese, nemukati zvakange zvizere nemeso; uye hazvizorori masikati neusiku, zvichiti: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Ishe Mwari, Wemasimbaose, wakange aripo, uye aripo, neachazouya.
9 Pose paipa zvisikwa zvipenyu mbiri, kukudzwa nokuvonga kuna iye anogara pachigaro choushe, iye anogara nokusingaperi-peri, (aiōn g165)
Zvino apo zvisikwa zvipenyu izvi pazvaimupa kubwinya nerukudzo nekuvongwa iye anogara pachigaro cheushe, iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, (aiōn g165)
10 vakuru makumi maviri navana vaiwira pasi pamberi pake iye anogara pachigaro choushe, uye vaimunamata iye anogara nokusingaperi-peri. Vaikanda korona dzavo pamberi pechigaro choushe vachiti: (aiōn g165)
vakuru makumi maviri nevana vakazviwisira pasi pamberi peagere pachigaro cheushe ndokumunamata iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, uye vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro cheushe, vachiti: (aiōn g165)
11 “Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira kubwinya nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu.”
Makafanira, Ishe, kugamuchira kubwinya, nerukudzo, nesimba; nokuti ndimwi makasika zvinhu zvese, uye nekuda kwechido chenyu zviripo uye zvakasikwa.

< Zvakazarurwa 4 >