< Zvakazarurwa 22 +
1 Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana
And the angel showed me a river of the water of life, as clear as crystal, issuing from the throne of God and of the Lamb,
2 pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi.
in the middle of the street of the city. On each side of the river was a Tree of life which bore twelve kinds of fruit, yielding its fruit each month; and the leaves of the tree were for the healing of the nations.
3 Hakuchazovazve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira.
Every thing that is accursed will cease to be. The throne of God and of the Lamb will be within it, and his servants will worship him;
4 Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.
they will see his face, and his name will be on their foreheads.
5 Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri. (aiōn )
Night will cease to be. They have no need of the light of a lamp, nor have they the light of the sun; for the Lord God will be their light, and they will reign for ever and ever. (aiōn )
6 Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”
Then the angel said to me – “These words may be trusted and are true. The Lord, the God that inspires the prophets, sent his angel to show his servants what must quickly take place;
7 “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.”
and they said ‘I will come quickly.’ Blessed will he be who lays to heart the words of the prophecy contained in this book.”
8 Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi.
It was I, John, who heard and saw these things; and, when I heard and saw them, I prostrated myself in worship at the feet of the angel that showed them to me.
9 Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!”
But he said to me – “Forbear; I am your fellow servant, and the fellow servant of your fellow prophets, and of all who lay to heart the words in this book. Worship God.”
10 Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita hwebhuku iri, nokuti nguva yaswedera.
Then the angel said to me – “Do not keep secret the words of the prophecy contained in this book; for the time is near.
11 Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.”
Let the wrongdoer continue to do wrong; the filthy-minded continue to be filthy; the righteous continue to act righteously; and the holy-minded continue to be holy.”
12 “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.
(‘I will come quickly. I bring my rewards with me, to give to each what their actions deserve.
13 Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira, kutanga nokuguma.
I am the Alpha and the Omega, the First and the Last, the beginning and the End.’)
14 “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo.
Blessed will they be who wash their robes! They will have the right to approach the Tree of life, and may enter the city by the gates.
15 Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita.
Outside will be the filthy, the sorcerers, the impure, the murderers, the idolaters, and all who love the false and live it.
16 “Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamasase inopenya.”
‘I, Jesus, sent my angel to bear testimony to you about these things before the churches. I am the Scion and the Offspring of David, the bright star of the Morning.’
17 Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi.
‘Come,’ say the Spirit and the Bride; and all who hear, say ‘Come.’ All who thirst, come; anyone who wants, take the water of life freely.
18 Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri.
I declare to all who hear the words of the prophecy contained in this book – ‘If anyone adds to it, God will add to his troubles the curses described in this book;
19 Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.
and if anyone takes away any of the words in the book containing this prophecy, God will take away his share in the Tree of life, and in the Holy City – as described in this book.’
20 Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni. Uyai, Ishe Jesu.
He whose testimony this is says – ‘Assuredly I will come quickly.’ ‘Amen, come, Lord Jesus.’
21 Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.
May the blessing of the Lord Jesus Christ, be with his people.