< Zvakazarurwa 20 >

1 Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. (Abyssos g12)
Ngasengibona ingilosi isehlela phansi isuka ezulwini ilesihluthulelo soMgodi ongelamkhawulo iphethe ngesandla sayo iketane enkulu. (Abyssos g12)
2 Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru.
Yabamba umgobho, inyoka leyana endala, engoMubi loba uSathane, yambopha okweminyaka eyinkulungwane.
3 Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku. (Abyssos g12)
Yamphosela eMgodini ongelamkhawulo, yawuhluthulela, yawuvala silikici, ukumvimbela ukuba angakhohlisi izizwe futhi kuze kuphele iminyaka eyinkulungwane. Emva kwalokho kumele akhululwe okwesikhatshana. (Abyssos g12)
4 Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru.
Ngabona izihlalo zobukhosi okwakuhlezi kuzo labo ababephiwe amandla okwahlulela. Ngabona imiphefumulo yalabo ababequnywe amakhanda ngenxa yobufakazi bukaJesu langenxa yelizwi likaNkulunkulu. Babengasikhonzanga isilo loba umfanekiso waso njalo bengabekwanga uphawu lwaso emabunzini abo loba ezandleni zabo. Bavuka baphila njalo babusa loKhristu iminyaka eyinkulungwane.
5 Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga.
(Inengi labafileyo kalivukanga kwaze kwaphela iminyaka eyinkulungwane.) Lokhu yikuvuka ekufeni kwakuqala.
6 Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.
Babusisiwe njalo bangcwele labo abahlanganyela ekuvukeni kwakuqala. Ukufa kwesibili akulamandla phezu kwabo, kodwa bazakuba ngabaphristi bakaNkulunkulu labakaKhristu njalo bazabusa laye okweminyaka eyinkulungwane.
7 Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake
Iminyaka eyinkulungwane isidlule uSathane uzakhululwa entolongweni yakhe
8 uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa.
aphume ukuyakhohlisa izizwe emagumbini womane omhlaba, uGogi loMagogi, ukuba abaqoqele empini. Ngobunengi bangangenhlabathi okhunjini lolwandle.
9 Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza.
Badabula phakathi komhlaba bahonqolozela izihonqo zabantu bakaNkulunkulu, idolobho alithandayo. Kodwa kwehla umlilo uvela ezulwini wabaqothula.
10 Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri. (aiōn g165, Limnē Pyr g3041 g4442)
Omubi owayebakhohlisile waphoselwa echibini lesolufa elivuthayo, lapho okwakuphoselwe khona isilo lomphrofethi wamanga. Bazakutsha emini lebusuku kuze kube nininini. (aiōn g165, Limnē Pyr g3041 g4442)
11 Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo.
Ngabuya ngabona isihlalo sobukhosi esikhulu kanye lalowo owayehlezi kuso. Umhlaba lomkhathi kwabaleka phambi kwakhe, akwaze kwaba lendawo yakho.
12 Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.
Ngasengibona abafileyo, abancane labakhulu, bemi phambi kwesihlalo sobukhosi, kwasekuvulwa izincwadi. Kwavulwa enye incwadi, eyincwadi yokuphila. Abafileyo bahlulelwa mayelana lalokho ababekwenzile okwakulotshwe ezincwadini.
13 Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. (Hadēs g86)
Ulwandle lwakhupha abafileyo ababekulo, ukufa leHadesi kwakhupha abafileyo ababekukho, umuntu ngamunye wahlulelwa mayelana lalokho akwenzayo. (Hadēs g86)
14 Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. (Hadēs g86, Limnē Pyr g3041 g4442)
Ukufa leHadesi kwaphoselwa echibini lomlilo. Ichibi lomlilo liyikufa kwesibili. (Hadēs g86, Limnē Pyr g3041 g4442)
15 Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto. (Limnē Pyr g3041 g4442)
Nxa umuntu ibizo lakhe lalitholakala lingalotshwanga encwadini yokuphila wayephoselwa echibini lomlilo. (Limnē Pyr g3041 g4442)

< Zvakazarurwa 20 >