< Zvakazarurwa 20 >

1 Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. (Abyssos g12)
ܘܚܙܝܬ ܐܚܪܢܐ ܡܠܐܟܐ ܕܢܚܬ ܡܢ ܫܡܝܐ ܕܐܝܬ ܥܠܘܗܝ ܩܠܝܕܐ ܕܬܗܘܡܐ ܘܫܝܫܠܬܐ ܪܒܬܐ ܒܐܝܕܗ (Abyssos g12)
2 Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru.
ܘܠܒܟܗ ܠܬܢܝܢܐ ܚܘܝܐ ܩܕܡܝܐ ܗܘ ܕܐܝܬܘܗܝ ܐܟܠܩܪܨܐ ܘܤܛܢܐ ܘܐܤܪܗ ܐܠܦ ܫܢܝܢ
3 Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku. (Abyssos g12)
ܘܐܪܡܝܗ ܒܬܗܘܡܐ ܘܐܚܕ ܘܛܒܥ ܠܥܠ ܡܢܗ ܕܠܐ ܬܘܒ ܢܛܥܐ ܠܟܠܗܘܢ ܥܡܡܐ ܒܬܪ ܗܠܝܢ ܝܗܝܒ ܠܡܫܪܝܗ ܩܠܝܠ ܙܒܢܐ (Abyssos g12)
4 Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru.
ܘܚܙܝܬ ܡܘܬܒܐ ܘܝܬܒܘ ܥܠܝܗܘܢ ܘܕܝܢܐ ܐܬܝܗܒ ܠܗܘܢ ܘܢܦܫܬܐ ܗܠܝܢ ܕܐܬܦܤܩ ܡܛܠ ܤܗܕܘܬܐ ܕܝܫܘܥ ܘܡܛܠ ܡܠܬܐ ܕܐܠܗܐ ܘܕܐܝܠܝܢ ܕܠܐ ܤܓܕܘ ܠܚܝܘܬܐ ܘܠܐ ܠܨܠܡܗ ܘܠܐ ܢܤܒܘ ܪܘܫܡܐ ܥܠ ܒܝܬ ܥܝܢܝܗܘܢ ܐܘ ܥܠ ܐܝܕܝܗܘܢ ܕܚܝܘ ܘܐܡܠܟܘ ܥܡ ܡܫܝܚܐ ܐܠܦ ܫܢܝܢ
5 Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga.
ܘܗܕܐ ܗܝ ܩܝܡܬܐ ܩܕܡܝܬܐ
6 Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.
ܛܘܒܢܐ ܗܘ ܘܩܕܝܫܐ ܡܢ ܕܐܝܬ ܠܗ ܡܢܬܐ ܒܩܝܡܬܐ ܩܕܡܝܬܐ ܘܥܠ ܗܠܝܢ ܠܝܬ ܫܘܠܛܢܐ ܠܡܘܬܐ ܬܢܝܢܐ ܐܠܐ ܢܗܘܘܢ ܟܗܢܐ ܕܐܠܗܐ ܘܕܡܫܝܚܐ ܘܢܡܠܟܘܢ ܥܡܗ ܐܠܦ ܫܢܝܢ
7 Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake
ܘܡܐ ܕܐܫܬܠܡ ܐܠܦ ܫܢܝܢ ܢܫܬܪܐ ܤܛܢܐ ܡܢ ܚܒܘܫܝܗ
8 uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa.
ܘܢܦܘܩ ܠܡܛܥܝܘ ܠܟܠܗܘܢ ܥܡܡܐ ܒܐܪܒܥ ܙܘܝܬܗ ܕܐܪܥܐ ܠܓܘܓ ܘܠܡܓܘܓ ܘܠܡܟܢܫܘ ܐܢܘܢ ܠܩܪܒܐ ܐܝܠܝܢ ܕܡܢܝܢܗܘܢ ܐܝܟ ܚܠܐ ܕܝܡܐ
9 Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza.
ܘܤܠܩܘ ܥܠ ܦܬܝܗ ܕܐܪܥܐ ܘܚܕܪܘܗ ܠܡܕܝܢܬܐ ܕܡܫܪܝܬܐ ܕܩܕܝܫܐ ܘܠܡܕܝܢܬܐ ܚܒܝܒܬܐ ܘܢܚܬܬ ܢܘܪܐ ܡܢ ܫܡܝܐ ܡܢ ܐܠܗܐ ܘܐܟܠܬ ܐܢܘܢ
10 Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri. (aiōn g165, Limnē Pyr g3041 g4442)
ܘܐܟܠܩܪܨܐ ܡܛܥܝܢܗܘܢ ܐܬܪܡܝ ܒܝܡܬܐ ܕܢܘܪܐ ܘܟܒܪܝܬܐ ܐܝܟܐ ܕܚܝܘܬܐ ܘܢܒܝܐ ܕܓܠܐ ܘܢܫܬܢܩܘܢ ܐܝܡܡܐ ܘܠܠܝܐ ܠܥܠܡ ܥܠܡܝܢ (aiōn g165, Limnē Pyr g3041 g4442)
11 Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo.
ܘܚܙܝܬ ܟܘܪܤܝܐ ܪܒܐ ܚܘܪܐ ܘܠܕܝܬܒ ܠܥܠ ܡܢܗ ܗܘ ܕܡܢ ܩܕܡ ܐܦܘܗܝ ܥܪܩܬ ܐܪܥܐ ܘܫܡܝܐ ܘܐܬܪ ܠܐ ܐܫܬܟܚ ܠܗܘܢ
12 Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.
ܘܚܙܝܬ ܠܡܝܬܐ ܪܘܪܒܐ ܘܙܥܘܪܐ ܕܩܡܘ ܩܕܡ ܟܘܪܤܝܐ ܘܤܦܪܐ ܐܬܦܬܚܘ ܘܐܚܪܢܐ ܤܦܪܐ ܐܬܦܬܚ ܕܐܝܬܘܗܝ ܕܕܝܢܐ ܘܐܬܕܝܢܘ ܡܝܬܐ ܡܢ ܐܝܠܝܢ ܕܟܬܝܒܢ ܒܤܦܪܐ ܐܝܟ ܥܒܕܝܗܘܢ
13 Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. (Hadēs g86)
ܘܝܗܒ ܝܡܐ ܡܝܬܐ ܕܒܗ ܘܡܘܬܐ ܘܫܝܘܠ ܝܗܒܘ ܡܝܬܐ ܕܨܐܝܕܝܗܘܢ ܘܐܬܕܝܢ ܚܕ ܚܕ ܡܢܗܘܢ ܐܝܟ ܥܒܕܝܗܘܢ (Hadēs g86)
14 Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. (Hadēs g86, Limnē Pyr g3041 g4442)
ܘܡܘܬܐ ܘܫܝܘܠ ܐܬܪܡܝܘ ܒܝܡܬܐ ܕܢܘܪܐ ܗܢܐ ܕܐܝܬܘܗܝ ܡܘܬܐ ܬܢܝܢܐ (Hadēs g86, Limnē Pyr g3041 g4442)
15 Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto. (Limnē Pyr g3041 g4442)
ܘܐܝܢܐ ܕܠܐ ܐܫܬܟܚ ܕܪܫܝܡ ܒܟܬܒܐ ܕܚܝܐ ܐܬܪܡܝ ܒܝܡܬܐ ܕܢܘܪܐ (Limnē Pyr g3041 g4442)

< Zvakazarurwa 20 >