< Zvakazarurwa 15 >

1 Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera.
然后我看到天空中另外一个神奇重要的信号。七位天使拿着完成上帝审判的最后七个灾难。
2 Uye ndakaona chairatidzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari
我看到一个看起来像玻璃海的东西,混合着火。在玻璃海旁边站着那些打败这头野兽的人,还有他的形象以及他名字的编号。他们有上帝赐予的竖琴,
3 uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti: “Mabasa enyu makuru uye anoshamisa, Ishe Mwari Wamasimba Ose. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo wamakore.
唱着上帝仆人摩西的歌和羔羊的歌:“你的所作所为伟大而奇妙,主神,全能者。万国之王,你的道路是正确和真实。
4 Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe, kana kukudza zita renyu? Nokuti ndimi moga mutsvene. Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu, nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”
主啊!谁敢不敬畏你?谁敢不荣耀你的名?因为只有你是神圣的,万国都要来,在你面前下拜,因为你的正义作为已经显明。”
5 Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka.
在这之后,我看了看,“见证的帐幕” 的圣殿被打开了。
6 Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanhire egoridhe pazvipfuva zvavo.
那掌管着末后七灾的七位天使,从圣殿出来,穿著清洁的白色麻衣,胸间束着金带。
7 Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri. (aiōn g165)
四个活物之一,把盛满永恒上帝判决的七个金碗,交给那七位天使。 (aiōn g165)
8 Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.
圣殿中充满了来自上帝荣耀和他力量的烟雾。直到七位天使的七灾结束前,都没有人能够进入圣殿。

< Zvakazarurwa 15 >