< Zvakazarurwa 13 >

1 Uye shato yakamira pamahombekombe egungwa. Uye ndakaona chikara chichibuda mugungwa. Chakanga chine nyanga gumi nemisoro minomwe, nekorona gumi panyanga dzacho, uye pamusoro mumwe nomumwe paiva nezita rokumhura.
Já jsem stál na břehu moře. Viděl jsem, že se z moře vynořila šelma a měla také sedm hlav a deset rohů jako drak. Královskou korunu však měla na každém svém rohu a na každé hlavě božský titul urážející pravého Boha.
2 Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi chakanga china makumbo akaita seebere uye muromo wakaita soweshumba. Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru.
Vypadala jako levhart, nohy měla jako medvěd a tlamu jako lev. Drak jí propůjčil svou sílu, trůn a velikou moc.
3 Mumwe wemisoro yechikara wakaita sowakuvadzwa kusvikira parufu, asi vanga raifanira kuchiuraya rakanga rapora. Nyika yose yakashamiswa uye ikatevera chikara.
Jedna z jejích hlav se zdála smrtelně zraněna, ale vyhojila se. Celý svět se té bestii obdivoval a poslušně ji následoval.
4 Vanhu vakanamata shato nokuti yakanga yapa simba kuchikara, uye vakanamatawo chikara vachiti, “Ndianiko akaita sechikara? Ndianiko angarwa nacho?”
Chválili draka, že jí dal takovou moc, uctívali šelmu a říkali: „Kdo se vyrovná takovému dravci, kdo se s ním může měřit?“
5 Chikara chakapiwa muromo wokutaura mashoko okuzvikudza neokumhura nokushandisa simba racho kwemwedzi makumi mana nemiviri.
Šelma se holedbala a rouhala Bohu a vládla světu dvaačtyřicet měsíců.
6 Chakashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, uye kuti chituke zita rake nenzvimbo yake yokugara, neyaavo vanogara kudenga.
Po celou tu dobu se snažila zneuctít Boha, jeho jméno a svatyni a všechny, kteří mají svůj domov v nebi.
7 Chakapiwa simba kuti chirwe navatsvene uye kuti chivakunde. Uye chakapiwa simba pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose uye nendudzi dzose.
Bylo jí dovoleno, aby válčila proti věřícím a vítězila nad nimi. Nakonec ovládala každý kmen, národ i rasu.
8 Vose vanogara panyika vachanamata chikara, vose vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.
Uctívat ji budou však jen ti obyvatelé země, jejichž jména nejsou zapsána do Knihy věčného života, knihy obětovaného Beránka.
9 Ane nzeve, ngaanzwe.
Slyšte!
10 Kana munhu achifanira kupinda muutapwa, muutapwa achapinda hake. Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo, nomunondo achaurayiwa hake. Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.
Komu je určeno vězení, půjde do vězení, kdo má jít na smrt, bude popraven. Ano, takové zkoušky musejí přijít na Boží lidi, aby osvědčili svou vytrvalost a víru.
11 Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato.
Pak jsem spatřil jinou šelmu, jak vystupuje ze země. Měla jen dva malé rohy jako beránek, ale mluvila jako drak.
12 Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya.
Ta se teď stává vykonavatelem moci té první šelmy. Nutí obyvatele země, aby uctívali onu první šelmu, která se vyléčila ze smrtelné rány.
13 Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona.
I ta druhá šelma koná neuvěřitelné divy, předvede dokonce, že před očima lidí sestoupí oheň z nebe.
14 Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama.
Přikáže jim, aby postavili sochu té smrtelně zraněné a zase uzdravené bestii.
15 Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe.
Druhá šelma dokáže i tu sochu oživit, socha promluví a rozkáže pobít všechny, kdo se jí neklanějí.
16 Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo,
Nutí všechny, malé i velké, bohaté i chudé, otroky i svobodné, aby si na pravé ruce nebo na čele dali udělat její znak,
17 kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
takže nikdo nedostane povolení k nákupu a prodeji zboží, kdo nemá znak té šelmy nebo číslo, které ukazuje na její jméno.
18 Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
Zamyslete se nad tím a sečtěte číslice té šelmy. Je to číslo šest set šedesát šest a značí člověka bez Boha.

< Zvakazarurwa 13 >