< Zvakazarurwa 12 >
1 Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake.
Echibhalikisho chinene nichibhonekana Mulwile: Omugasi unu aliga aswikiwe lisubha, na aliga ali no kwesi emwalo ya magulu gaye; no olutenga lwa Jinjota ekumi ne bhili yaliga ili ingulu yo mutwe gwaye.
2 Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona.
Aliga ana inda na aliga nalila ingulu yo kwasibhwa kwo kwibhula no bhusungu bhwo okwibhula.
3 Ipapo chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga: shato huru tsvuku ine misoro minomwe nenyanga gumi nekorona nomwe mumisoro yayo.
Nechibhalikisho echindi nichibhonekana Mulwile: Lola! Lyaliga lilio liyoka limutuku enene linu lyaliga Lina mitwe musanju na mayembe ekumi, na jaliga jilio ntenga musanju ku mitwe jaye.
4 Muswe wayo wakatsvaira chikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi kubva kudenga ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa.
Omukila gwalyo nigukulula libhala elya kasatu elya jinjota ja Mulwile no kujesa ansi mu chalo. Mbe lijoka elyo nilimelegulu imbele yo mugasi oyo unu aliga ali Yeo okwibhula, koleleki ati omwanya gunu kebhula, amumile omwana waye.
5 Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe.
Amwibhuye omwana, omwana we chilubhe, unu katungu amaanga gona kwa insimbo eye chuma. Omwana waye agegelwe nasilwa ingulu ku Nyamuanga na ku chitebhe echo bhutungi,
6 Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.
no mugasi nelukila mwibhala, libhala linu Nyamuanga aliga amwilabhie ingulu hate, koleleki atule okufulubhendelwa kwa nsiku 1,260 (chiumbi chimwi na katana gabhili na makumi mukaga.)
7 Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo.
Mbe woli nilibhao lilemo Mulwile. Mikaeli na bhamalaika bhaye nibhalwana na lijoka lilya; elyenene lijoka linene na bhamalaika bhaye nibhalwana nabho.
8 Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga.
Mbe nawe lijoka lilya lyaliga Litana managa agokwiya okuiga. Kulwejo gutabhonekene mwanya lindi Mulwile ingulu yaye na bhamalaika bhaye.
9 Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.
Lijoka linene -lilya ijoka eya kala inu eitogwa Ibhilisi amwi Shetani unu kajigajiga-echalo chona Neswa ansi muchalo, na bhamalaika bhaye one nibheswa ansi bhona nage.
10 Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika, uye nesimba raKristu wake. Nokuti mupomeri wehama dzedu, iye anovapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku, akandwa panyika.
Okumala ninungwa bhulaka bhunene okusoka Mulwile: “Woli omwelulo gwaja, amanaga-no obhukama bhwa Nyamuanga weswe, no obhutungi bhwa Kristo waye. Kulwo kubha omusitaki wa bhaili bhasu amalile okweswa ansi-unu abhasitakile imbele ya Nyamuanga weswe mumwisi na mugeta.
11 Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.
Mbe bhamusngile kwa insagama yo mwana wa Inama na kwo musango gwo bhubhambasi bhwebhwe, kulwo kubha bhaliga bhatakubhwenda obhulame bhwebhwe muno, nolwo kufwa.
12 Naizvozvo farai, imi matenga nemi munogara maari! Asi mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti dhiabhori aburuka kwamuri! Akatsamwa kwazvo, nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.”
Kulwejo, mukondelelwe, emwe olwile, na bhona bhanu mwikayemo. Mbe nawe jabhabhona abha munsi na inyanja ku nsonga omubhibhi ekile kwemwe. Ejuye esungu elulu, ku nsonga amenyele ati ali na mwanya mufui-la.
13 Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana.
Mbe omwana ogwo lijoka lyejile lyamenya ati lyeselwe Ansi ku chalo, nilimulubha omugasi oyo unu aliga ebhuye omwana we chilume.
14 Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka.
Mbe nawe omugasi oyo nayanwa amabhabha gabhili aga inkona inene, koleleki ati atule okuguluka okukinga kwi bhalagi linu lilabhilwe ingulu yaye eliya mwibhala, libhala linu akatulile okubhikwa, kwo mwanya, emyanya na inusu yo mwanya anu libhala linu itakutula kukingayo eyo injoka.
15 Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu.
Injoka Nifubhula amanji okusoka mu Kanwa Kaye kuti mugela, koleleki akole induluma yo kumusimagisha.
16 Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo.
Mbe nawe insi nimusakila Omugasi oyo. Niyasama omunwa gwaye no kumila omugela gunu lijoka lyafubhuye okusoka mu Kanwa Kaye.
17 Ipapo shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanobatirira pauchapupu hwaJesu.
Okumala lijoka nilimubhiilililwa omugasi nawe ndisokao ndigenda ndijo okukola lilemo no olwibhulo lwaye lwona—bhaliya bhanu abholobhela ebhilagilo bhya Nyamuanga no kugwatilila obhubhambasi okulubhana na Yesu.