< Zvakazarurwa 12 >
1 Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake.
And a great sign appeared in heaven, a woman clothed with the sun; and the moon was under her feet, and on her head was a crown of twelve stars;
2 Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona.
and, being with child, she cried out in travail, and in the pains of delivery.
3 Ipapo chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga: shato huru tsvuku ine misoro minomwe nenyanga gumi nekorona nomwe mumisoro yayo.
And there appeared another sign in heaven; and behold, a great dragon, fiery-red, that had seven heads, and ten horns: and on his heads seven diadems.
4 Muswe wayo wakatsvaira chikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi kubva kudenga ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa.
And his tail drew along the third part of the stars of heaven, and did cast them to the earth. And the dragon stood before the woman who was about to bring forth, that, when she had brought forth, he might devour her child.
5 Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe.
And she brought forth a male child, that was to rule all nations with a rod of iron; and her child was caught away to God, even to his throne.
6 Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.
And the woman fled into the wilderness, where she has a place prepared by God, that they should feed her there for a thousand two hundred and sixty days.
7 Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo.
And there was war in heaven; Michael and his angels fought with the dragon; and the dragon and his angels fought,
8 Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga.
and prevailed not: nor was their place found any more in heaven.
9 Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.
And the great dragon, that old serpent, called the Devil, and Satan, who deceives the whole world, was cast into the earth, and his angels were cast out with him.
10 Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika, uye nesimba raKristu wake. Nokuti mupomeri wehama dzedu, iye anovapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku, akandwa panyika.
And I heard a great voice in heaven, saying: Now has come the salvation, and the power, and the kingdom of our God, and the authority of his Christ: for the accuser of our brethren, he that accused them before our God day and night, is cast down.
11 Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.
And they overcame him by the blood of the Lamb, and by the word of their testimony; and they loved not their lives even to death.
12 Naizvozvo farai, imi matenga nemi munogara maari! Asi mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti dhiabhori aburuka kwamuri! Akatsamwa kwazvo, nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.”
Therefore, rejoice you heavens, and you that dwell in them. Alas for the land and for the sea! for the devil has come down to you with great anger, because he knows that he has but a short time.
13 Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana.
And when the dragon saw that he was cast into the earth, he persecuted the woman that brought forth the male child.
14 Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka.
And two wings of a great eagle were given to the woman, that she might fly into the wilderness into her place, where she is nourished for a time, and times, and half a time, away from the presence of the serpent.
15 Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu.
And the serpent threw out of his mouth water like a river, after the woman, that he might cause her to be carried away by the river.
16 Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo.
And the earth helped the woman; and the earth opened her mouth, and swallowed up the river that the dragon threw out of his mouth.
17 Ipapo shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanobatirira pauchapupu hwaJesu.
And the dragon was angry with the woman, and went away to make war with the rest of her children, that keep the commandments of God, and that hold the testimony of Jesus.