< Zvakazarurwa 11 >

1 Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo.
Aka ba ni ƙara kamar sandan awo aka kuma ce mini, “Tafi ka auna haikalin Allah da bagaden, ka kuma ƙirga waɗanda suke sujada a can.
2 Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kune veDzimwe Ndudzi. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri.
Sai dai kada ka haɗa da harabar waje; kada ka auna ta, domin an ba da ita ga Al’ummai. Za su tattaka birni mai tsarki har watanni 42.
3 Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.”
Zan kuma ba wa shaiduna nan biyu iko, za su kuwa yi annabci na kwanaki 1,260, saye da gwadon makoki.”
4 Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika.
Waɗannan su ne itatuwan zaitun biyu da kuma alkukai biyu da suke tsaye a gaban Ubangijin duniya.
5 Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza.
Duk wanda ya yi ƙoƙari yin musu lahani, wuta za tă fito daga bakunansu ta cinye abokan gābansu. Haka ne duk mai niyyar yin musu lahani zai mutu.
6 Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.
Waɗannan mutane suna da iko su kulle sararin sama don kada a yi ruwan sama a lokacin da suke annabci; suna kuma da iko su juye ruwaye su zama jini su kuma bugi duniya da kowace irin annoba a duk lokacin da suke so.
7 Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya. (Abyssos g12)
To, da suka gama shaidarsu, dabbar da takan fito daga Abis za tă kai musu hari, tă kuwa sha ƙarfinsu tă kuma kashe su. (Abyssos g12)
8 Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo.
Gawawwakinsu za su kasance a kwance a titin babban birni, wanda a misalce ake kira Sodom da Masar, inda kuma aka gicciye Ubangijinsu.
9 Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo.
Kwana uku da rabi mutane daga kowace jama’a, kabila, harshe da kuma al’umma za su yi ta kallon gawawwakinsu su kuma ƙi binne su.
10 Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika.
Mazaunan duniya za su ƙyaface su kuma yi biki ta wurin aika kyautai wa juna, domin waɗannan annabawan nan biyu ne suka azabtar da mazaunan duniya.
11 Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, kutya kukabata avo vakavaona.
Amma bayan kwana uku da rabi ɗin numfashin rai daga Allah ya shige su, suka kuwa tashi tsaye, tsoro kuma ya kama waɗanda suka gan su.
12 Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona.
Sai suka ji wata babbar murya daga sama tana ce musu, “Ku hauro nan.” Suka kuwa haura zuwa sama cikin girgije, yayinda abokan gābansu suna kallo.
13 Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikaondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo vakarumbidza Mwari wokudenga.
A wannan sa’a aka yi wata babbar girgizar ƙasa kashi ɗaya bisa goma kuma na birnin ya rushe. Aka kashe mutane dubu bakwai a girgizar ƙasar, waɗanda suka tsira kuwa suka ji tsoro suka ɗaukaka Allah na sama.
14 Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza.
Kaito na biyu ya wuce; kaito na uku yana zuwa ba da daɗewa ba.
15 Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti: “Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake, uye achatonga nokusingaperi-peri.” (aiōn g165)
Mala’ika na bakwai ya busa ƙahonsa, sai aka ji muryoyi masu ƙarfi a sama da suka ce, “Mulkin duniya ya zama mulkin Ubangijinmu da na Kiristinsa, zai kuwa yi mulki har abada abadin.” (aiōn g165)
16 Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari,
Sai dattawan nan ashirin da huɗu da suke zaune a kursiyoyinsu a gaban Allah, suka fāɗi da fuskokinsu a ƙasa suka kuma yi wa Allah sujada,
17 vachiti: “Tinokuvongai imi, Ishe Mwari Wamasimba Ose, Iye aripo uye akanga aripo, nokuti matora simba renyu guru uye matanga kutonga.
suna cewa, “Muna maka godiya ya Ubangiji Allah, Maɗaukaki, wanda yake a yanzu, shi ne kuma a dā, domin ka karɓi ikonka mai girma ka kuma fara mulki.
18 Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya. Nguva yokutonga vakafa yasvika, neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro, uye navatsvene venyu neavo vanotya zita renyu, zvose vaduku navakuru, uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.”
Al’ummai suka yi fushi; fushinka kuwa ya zo. Lokaci ya yi don a shari’anta matattu, da kuma don sākawa wa bayinka annabawa da tsarkakanka da kuma su waɗanda suke girmama sunanka, ƙarami da babba, don kuma hallakar da waɗanda suka hallaka duniya.”
19 Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira okutinhira, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.
Sa’an nan aka buɗe haikalin Allah da yake a sama, kuma a cikin haikalinsa aka ga akwatin alkawarinsa. Sai kuwa ga walƙiya, ƙararraki, tsawa, girgizar ƙasa, da kuma ƙanƙara masu girma.

< Zvakazarurwa 11 >