< Mapisarema 98 >

1 Pisarema. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa.
請眾向上主歌唱新歌,因為祂行了奇事。祂的右手和祂的聖臂為祂獲得了勝利。
2 Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi,
上主已經宣佈了自己的救恩,將自己的正義已啟示給萬民。
3 Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
上主記起自己的良善和忠誠,即向以色列家族廣施的寬仁。全球看見了我們天主的救恩。
4 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro;
普世大地,請向上主歌舞,請踴躍,請歡樂,彈琴演奏:
5 imbirai Jehovha nembira, nembira nenzwi rokuimba,
彈著豎琴,向上主讚頌,彈著豎琴,伴隨著絃韻。
6 nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe, danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.
吹起喇叭,伴奏著號角,在上主面前謳歌。
7 Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri, nenyika, navose vanogaramo.
海洋及其中的一切澎湃,寰宇的居民驚駭!
8 Nzizi ngadziuchire maoko adzo, makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;
江河拍手鼓掌,山岳舞蹈歌唱。
9 ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira.
都在上主面前歡樂,因為祂已駕臨是要統治大地乾坤;祂以正義審判普世人群,祂要以公平治理天下萬民。

< Mapisarema 98 >