< Mapisarema 97 >

1 Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare.
Ubangiji yana mulki, bari duniya tă yi murna; bari tsibirai masu nesa su yi farin ciki.
2 Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
Gizagizai da baƙin duhu sun kewaye shi; adalci da gaskiya su ne tushen kursiyinsa.
3 Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose.
Wuta tana tafiya a gabansa tana kuma cinye maƙiyansa a kowane gefe.
4 Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera.
Walƙiyarsa ta haskaka duniya; duniya ta gani ta kuma yi rawar jiki.
5 Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose.
Duwatsu sun narke kamar kakin zuma a gaban Ubangiji, a gaban Ubangijin dukan duniya.
6 Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.
Sammai sun yi shelar adalcinsa, dukan mutane kuma suka ga ɗaukakarsa.
7 Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose!
Dukan waɗanda suke bauta wa siffofi sun sha kunya, waɗanda suke fariya da gumaka, ku yi masa sujada, dukanku alloli!
8 Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
Sihiyona ta ji ta kuma yi farin ciki kuma dukan ƙauyukan Yahuda suna murna saboda hukunce-hukuncenka, ya Ubangiji.
9 Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose; makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.
Gama kai, ya Ubangiji, kai ne Mafi Ɗaukaka a bisa dukan duniya; ana darjanta ka fiye da dukan alloli.
10 Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa, nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka uye anovarwira muruoko rwowakaipa.
Bari masu ƙaunar Ubangiji su ƙi mugunta, gama yana tsaron rayukan amintattunsa yana kuma kuɓutar da su daga hannun mugaye.
11 Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama, nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.
An haskaka haske a kan masu adalci da kuma farin ciki a kan masu gaskiya a zuciya.
12 Farai muna Jehovha, imi vakarurama, uye mukudze zita rake dzvene.
Ku yi farin ciki a cikin Ubangiji, ku da kuke masu adalci, ku kuma yabi sunansa mai tsarki.

< Mapisarema 97 >