< Mapisarema 97 >
1 Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare.
The LORD reigns, let the earth rejoice; let the distant shores be glad.
2 Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
Clouds and darkness surround Him; righteousness and justice are His throne’s foundation.
3 Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose.
Fire goes before Him and consumes His foes on every side.
4 Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera.
His lightning illuminates the world; the earth sees and trembles.
5 Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose.
The mountains melt like wax at the presence of the LORD, before the Lord of all the earth.
6 Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.
The heavens proclaim His righteousness; all the peoples see His glory.
7 Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose!
All worshipers of images are put to shame— those who boast in idols. Worship Him, all you gods!
8 Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
Zion hears and rejoices, and the towns of Judah exult because of Your judgments, O LORD.
9 Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose; makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.
For You, O LORD, are Most High over all the earth; You are exalted far above all gods.
10 Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa, nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka uye anovarwira muruoko rwowakaipa.
Hate evil, O you who love the LORD! He preserves the souls of His saints; He delivers them from the hand of the wicked.
11 Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama, nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.
Light shines on the righteous, gladness on the upright in heart.
12 Farai muna Jehovha, imi vakarurama, uye mukudze zita rake dzvene.
Rejoice in the LORD, you righteous ones, and praise His holy name.