< Mapisarema 95 >

1 Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.
O come, let us sing to Jehovah. Let us make a joyful noise to the rock of our salvation.
2 Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo.
Let us come before his presence with thanksgiving. Let us make a joyful noise to him with psalms.
3 Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.
For Jehovah is a great God, and a great King above all gods.
4 Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake.
In his hand are the deep places of the earth. The heights of the mountains are also his.
5 Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.
The sea is his, and he made it. And his hands formed the dry land.
6 Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;
O come, let us worship and bow down. Let us kneel before Jehovah our maker.
7 nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
For he is our God, and we are the people of his pasture, and the sheep of his hand. Today, O that ye would hear his voice!
8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,
Harden not your heart, as in the provocation, as the day of trial in the wilderness,
9 pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.
where your fathers challenged me, proved me, and saw my work.
10 Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.”
Forty years long I was grieved with that generation, and said, It is a people that do err in their heart, and they have not known my ways.
11 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”
Therefore I swore in my wrath that they should not enter into my rest.

< Mapisarema 95 >