< Mapisarema 94 >
1 Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai.
ऐ ख़ुदावन्द! ऐ इन्तक़ाम लेने वाले ख़ुदा ऐ इन्तक़ाम लेने वाले ख़ुदा! जलवागर हो!
2 Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai vanozvikudza zvakavafanira.
ऐ जहान का इन्साफ़ करने वाले! उठ; मग़रूरों को बदला दे!
3 Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara?
ऐ ख़ुदावन्द, शरीर कब तक; शरीर कब तक ख़ुशी मनाया करेंगे?
4 Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.
वह बकवास करते और बड़ा बोल बोलत हैं, सब बदकिरदार लाफ़ज़नी करते हैं।
5 Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu.
ऐ ख़ुदावन्द! वह तेरे लोगों को पीसे डालते हैं, और तेरी मीरास को दुख देते हैं।
6 Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera.
वह बेवा और परदेसी को क़त्ल करते, और यतीम को मार डालते हैं;
7 Vanoti, “Jehovha haaoni; Mwari waJakobho haana hanya.”
और कहते है “ख़ुदावन्द नहीं देखेगा और या'क़ूब का ख़ुदा ख़याल नहीं करेगा।”
8 Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu; imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?
ऐ क़ौम के हैवानो! ज़रा ख़याल करो; ऐ बेवक़ूफ़ों! तुम्हें कब 'अक़्ल आएगी?
9 Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here? Iye akaumba ziso haangaoni here?
जिसने कान दिया, क्या वह ख़ुद नहीं सुनता? जिसने आँख बनाई, क्या वह देख नहीं सकता?
10 Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here? Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here?
क्या वह जो क़ौमों को तम्बीह करता है, और इंसान को समझ सिखाता है, सज़ा न देगा?
11 Jehovha anoziva mirangariro yavanhu; anoziva kuti haina maturo.
ख़ुदावन्द इंसान के ख़यालों को जानता है, कि वह बेकार हैं।
12 Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha, munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
ऐ ख़ुदावन्द, मुबारक है वह आदमी जिसे तू तम्बीह करता, और अपनी शरी'अत की ता'लीम देता है।
13 munomuzorodza pamazuva enhamo, kusvikira akaipa achererwa gomba.
ताकि उसको मुसीबत के दिनों में आराम बख्शे, जब तक शरीर के लिए गढ़ा न खोदा जाए।
14 Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake; haangambosiyi nhaka yake.
क्यूँकि ख़ुदावन्द अपने लोगों को नहीं छोड़ेगा, और वह अपनी मीरास को नहीं छोड़ेगा;
15 Kururamisira kuchawanikwa nokuda kwevakarurama, uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.
क्यूँकि 'अद्ल सदाक़त की तरफ़ रुजू' करेगा, और सब रास्त दिल उसकी पैरवी करेंगे।
16 Ndianiko achandirwira pane vakaipa? Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?
शरीरों के मुक़ाबले में कौन मेरे लिए उठेगा? बदकिरदारों के ख़िलाफ़ कौन मेरे लिए खड़ा होगा?
17 Dai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.
अगर ख़ुदावन्द मेरा मददगार न होता, तो मेरी जान कब की 'आलम — ए — ख़ामोशी में जा बसी होती।
18 Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.
जब मैंने कहा, मेरा पाँव फिसल चला, तो ऐ ख़ुदावन्द! तेरी शफ़क़त ने मुझे संभाल लिया।
19 Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.
जब मेरे दिल में फ़िक्रों की कसरत होती है, तो तेरी तसल्ली मेरी जान को ख़ुश करती है।
20 Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here, icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho?
क्या शरारत के तख़्त से तुझे कुछ वास्ता होगा, जो क़ानून की आड़ में बदी गढ़ता है?
21 Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama, vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva.
वह सादिक़ की जान लेने को इकट्ठे होते हैं, और बेगुनाह पर क़त्ल का फ़तवा देते हैं।
22 Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu, uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.
लेकिन ख़ुदावन्द मेरा ऊँचा बुर्ज, और मेरा ख़ुदा मेरी पनाह की चट्टान रहा है।
23 Achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo, uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.
वह उनकी बदकारी उन ही पर लाएगा, और उन ही की शरारत में उनको काट डालेगा। ख़ुदावन्द हमारा उनको काट डालेगा।