< Mapisarema 94 >

1 Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai.
Inu Yehova, ndinu Mulungu wobwezera chilango, Inu Mulungu amene mumabwezera chilango, wonetsani kuwala kwanu.
2 Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai vanozvikudza zvakavafanira.
Nyamukani, Inu woweruza wa dziko lapansi; bwezerani kwa odzikuza zowayenera.
3 Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara?
Kodi mpaka liti anthu oyipa Inu Yehova, mpaka liti anthu oyipa adzalumpha ndi chimwemwe?
4 Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.
Amakhuthula mawu onyada; onse ochita zoyipa ndi odzaza ndi kudzikuza.
5 Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu.
Amaphwanya anthu anu, Inu Yehova; amapondereza cholowa chanu.
6 Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera.
Amaphanso amayi a masiye ndi alendo okhala nawo mʼdziko; amapha ana amasiye.
7 Vanoti, “Jehovha haaoni; Mwari waJakobho haana hanya.”
Iwo amati, “Yehova sakuona; Mulungu wa Yakobo salabadirako.”
8 Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu; imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?
Samalani, inu anthu opanda nzeru pakati pa anthu; zitsiru inu, kodi mudzakhala liti anzeru?
9 Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here? Iye akaumba ziso haangaoni here?
Kodi Iye amene anapanga khutu sangathe kumva? Kodi Iye amene anapanga diso sangathe kuona?
10 Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here? Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here?
Kodi Iye amene amalangiza mitundu ya anthu sangathenso kulanga? Kodi Iye amene amaphunzitsa munthu angasowe nzeru?
11 Jehovha anoziva mirangariro yavanhu; anoziva kuti haina maturo.
Yehova amadziwa maganizo a munthu; Iye amadziwa kuti maganizowo ndi achabechabe.
12 Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha, munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
Wodala munthu amene Inu Yehova mumamulangiza, munthu amene mumamuphunzitsa kuchokera mulamulo lanu;
13 munomuzorodza pamazuva enhamo, kusvikira akaipa achererwa gomba.
mumamupumitsa pa nthawi ya mavuto, mpaka woyipa atakumbiridwa dzenje.
14 Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake; haangambosiyi nhaka yake.
Pakuti Yehova sadzawakana anthu ake; Iye sadzasiya cholowa chake.
15 Kururamisira kuchawanikwa nokuda kwevakarurama, uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.
Chiweruzo chidzakhazikikanso pa chilungamo, ndipo onse olungama mtima adzachitsata.
16 Ndianiko achandirwira pane vakaipa? Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?
Ndani adzadzuka chifukwa cha ine kulimbana ndi anthu oyipa? Ndani adzayimirira mʼmalo mwanga kulimbana ndi anthu ochita zoyipa?
17 Dai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.
Yehova akanapanda kundithandiza, bwenzi nditakakhala msanga ku malo achete a imfa.
18 Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.
Ndikanena kuti, “Phazi langa likuterereka,” chikondi chanu, Inu Yehova, chimandichirikiza.
19 Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.
Pamene nkhawa inakula mʼkati mwanga, chitonthozo chanu chinabweretsa chimwemwe mʼmoyo mwanga.
20 Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here, icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho?
Kodi mpando waufumu woyipa ungathe kugwirizana nanu umene umabweretsa masautso chifukwa cha malamulo ake?
21 Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama, vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva.
Iwo amasonkhana pamodzi kulimbana ndi wolungama ndi kugamula kuti wosalakwa aphedwe.
22 Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu, uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.
Koma Yehova wakhala linga langa, ndipo Mulungu ndiye thanthwe limene ndimathawirako.
23 Achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo, uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.
Iye adzawabwezera chifukwa cha machimo awo ndi kuwawononga chifukwa cha kuyipa kwawo; Yehova Mulungu wathu adzawawononga.

< Mapisarema 94 >