< Mapisarema 93 >

1 Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi.
INkosi iyabusa; yembethe ubukhosi; iNkosi yembethe amandla; izibhincisile. Umhlaba lawo uqinisiwe, kawuyikunyikinywa.
2 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi.
Isihlalo sakho sobukhosi samiswa kwasendulo; usukela ephakadeni.
3 Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza, makungwa akasimudza manzwi awo; makungwa akasimudza mafungu anotinhira.
Imifula iphakamisile, Nkosi, imifula iphakamise ukuholoba kwayo, imifula iphakamisile amagagasi ayo agubhazelayo.
4 Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji, mukuru kukunda mafungu egungwa, Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.
INkosi ephakemeyo ilamandla kulokuduma kwamanzi amanengi, kulamagagasi olwandle agubhazayo alamandla.
5 Zvamakatema hazvishanduki; utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha, kwamazuva asingaperi.
Izifakazelo zakho ziqinisekile kakhulu; ubungcwele buyifanele indlu yakho, Nkosi, kuze kube ebudeni bezinsuku.

< Mapisarema 93 >