< Mapisarema 92 >
1 Pisarema. Rwiyo rweSabata. Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,
Pisarema. Rwiyo rweSabata. Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,
2 kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,
kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,
3 nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.
nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.
4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.
Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.
5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!
Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!
6 Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,
Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,
7 kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi.
kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi.
8 Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.
Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.
9 Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.
Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.
10 Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.
Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.
11 Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.
Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.
12 Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;
Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;
13 wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.
wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.
14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.
Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.
15 Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”
Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”