< Mapisarema 91 >

1 Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
ישב בסתר עליון בצל שדי יתלונן
2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”
אמר--ליהוה מחסי ומצודתי אלהי אבטח-בו
3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.
כי הוא יצילך מפח יקוש מדבר הוות
4 Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
באברתו יסך לך--ותחת-כנפיו תחסה צנה וסחרה אמתו
5 Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,
לא-תירא מפחד לילה מחץ יעוף יומם
6 kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.
מדבר באפל יהלך מקטב ישוד צהרים
7 Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi pako, asi hazvingaswederi kwauri.
יפל מצדך אלף--ורבבה מימינך אליך לא יגש
8 Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.
רק בעיניך תביט ושלמת רשעים תראה
9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,
כי-אתה יהוה מחסי עליון שמת מעונך
10 ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.
לא-תאנה אליך רעה ונגע לא-יקרב באהלך
11 Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;
כי מלאכיו יצוה-לך לשמרך בכל-דרכיך
12 vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.
על-כפים ישאונך פן-תגף באבן רגלך
13 Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.
על-שחל ופתן תדרך תרמס כפיר ותנין
14 “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.
כי בי חשק ואפלטהו אשגבהו כי-ידע שמי
15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza.
יקראני ואענהו--עמו-אנכי בצרה אחלצהו ואכבדהו
16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”
ארך ימים אשביעהו ואראהו בישועתי

< Mapisarema 91 >