< Mapisarema 91 >
1 Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
Shi wanda yake zama a wurin Mafi Ɗaukaka zai huta a cikin inuwar Maɗaukaki.
2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”
Zan ce game da Ubangiji, “Shi ne mafakata da kagarata, Allahna, wanda nake dogara.”
3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.
Tabbatacce zai cece ka daga tarkon mai farauta da kuma daga cututtuka masu kisa.
4 Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
Zai rufe ka da fikafikansa, a ƙarƙashin fikafikansa kuwa za ka sami mafaka; amincinsa zai zama maka garkuwa da katanga.
5 Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,
Ba za ka ji tsoron razanar dare, ko kibiyoyi da suke firiya da rana ba,
6 kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.
ko bala’in da yake aukowa cikin duhu, ko annobar da take hallakarwa da tsakar rana.
7 Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi pako, asi hazvingaswederi kwauri.
Dubu za su iya fāɗuwa a gefenka, dubu goma a hannun damanka, amma ba abin da zai zo kusa da kai.
8 Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.
Za ka dai gan da idanunka yadda ake hukunta mugaye.
9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,
In ka mai da Mafi Ɗaukaka wurin zamanka, har ma Ubangiji wanda yake mafakata,
10 ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.
to, babu wani mugun abin da zai same ka, ba masifar da za tă zo kusa da tentinka.
11 Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;
Gama zai umarci mala’ikunsa game da kai don su tsare ka a dukan hanyoyinka;
12 vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.
za su tallafe ka da hannuwansu, don kada ka buga ƙafarka a kan dutse.
13 Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.
Za ka taka zaki da gamsheƙa; za ka tattake babban zaki da maciji.
14 “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.
Ubangiji ya ce, “Domin ya ƙaunace ni, zan kuɓutar da shi; zan kiyaye shi, gama ya yarda da sunana.
15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza.
Zai kira bisa sunana, zan kuma amsa masa; zan kasance tare da shi a lokacin wahala, zan kuɓutar da shi in kuma girmama shi.
16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”
Da tsawon rai zan ƙosar da shi in kuma nuna masa cetona.”