< Mapisarema 89 >

1 Masikiri raEtani muEzirahi. Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi; ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kuzvizvarwa zvose.
Nitimba sifa za matendo ya uaminifu wa agano milele. Nitatangaza kweli yako kwa vizazi vijavyo.
2 Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko.
Maana nimesema, “Uaminifu wa agano umeimarishwa milele; na kweli yako umeiimarisha mbinguni.”
3 Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti,
“Nimefanya agano na wateule wangu, nimeapa kiapo kwa Daudi mtumishi wangu.
4 ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kuzvizvarwa zvose.’” Sera
Nitauimarisha uzao wako milele, na nitauimarisha utawala wako vizazi vyote.” (Selah)
5 Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.
Mbingu husifu maajabu yako, Yahwe; kweli yako inasifiwa katika kusanyiko la watakatifu.
6 Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?
Maana ni nani katika mbingu aweza kulinganishwa na Yahwe? Ambaye kati ya wana wa miungu ni kama Yahwe?
7 Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.
Ni Mungu anaye heshimiwa sana katika baraza la watakatifu naye ni wakutisha kati ya wote wanao mzunguka.
8 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.
Yahwe, Mungu wa majeshi, ni nani aliye na nguvu kama wewe, Yahwe? Kweli yako inakuzunguka.
9 Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.
Wewe huitawala bahari yenye nguvu; mawimbi yainukapo, wewe huyatuliza.
10 Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
Ulimwangamiza Rahabu kama mmoja aliye uliwa. Uliwatawanya adui zako kwa mkono wako wenye nguvu.
11 Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi.
Mbingu ni zako wewe, na nchi pia. Uliiumba dunia na vyote vilivyomo.
12 Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.
Uliumba kaskazini na kusini. Tabori na Hermoni hulifurahia jina lako.
13 Ruoko rwenyu rune simba; chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.
una mkono wa uweza na mkono wenye nguvu, na mkono wako wa kuume uko juu.
14 Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.
Haki na hukumu ni msingi wa kiti chako. Uaminifu wa agano lako na uaminifu huja mbele zako.
15 Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.
Wamebarikiwa watu wakuabuduo wewe! Yahwe, wanatembea katika nuru ya uso wako.
16 Vanofara muzita renyu zuva rose; vanofara mukururama kwenyu.
Siku zote wanafurahia katika jina lako, na katika haki yako wanakutukuza wewe.
17 Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo, uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu.
Wewe ni fahari ya nguvu zao, na kwa nguvu zako tu washindi.
18 Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.
Maana ngao zetu ni za kwako Yahwe; mfalme wetu ni wa Mtakatifu wa Israeli.
19 Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.
Muda mrefu uliopita ulizungumza na waaminfu wako katika maono; ulisema, “Nimeweka taji juu ya mwenye nguvu; nimemuinua aliyechaguliwa kutoka kati ya watu.
20 Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene.
Nimemchagua Daudi mtumishi wangu; kwa mafuta yangu matakatifu nimempaka yeye.
21 Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.
Mkono wangu utamsaidia yeye; mkono wangu utamtia nguvu.
22 Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.
Hakuna adui atakaye mdanganya; hakuna mwana wa uovu atakaye muonea.
23 Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.
Nitawaangamiza adui zake mbele yake; nitawaua wale wamchukiao.
24 Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.
Kweli yangu na uaminifu wa agano vitakuwa pamoja naye; kupitia jina langu atakuwa mshindi.
25 Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
Nitaweka mkono wake juu ya bahari na mkono wake wa kuume juu ya mito.
26 Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’
Yeye ataniita, 'Wewe ni Baba yangu, Mungu wangu, na mwamba wa wokovu wangu.'
27 Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.
Nitamjalia kuwa kama mzaliwa wangu wa kwanza, aliye inuliwa zaidi juu ya wafalme wa nchi.
28 Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi.
Nitaongeza uaminifu wa agano langu kwake milele; na agano langu pamoja naye litakuwa salama.
29 Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo.
Nitaufanya uzao wake kudumu milele na kiti chake cha enzi kitadumu kama mbingu zilizo juu.
30 “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema,
Ikiwa watoto wake wataziacha sheria zangu na kutokutii amri zangu,
31 kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,
na kama watazivunja sheria zangu na kutokuzishika amri zangu,
32 ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru;
ndipo nitauadhiu uasi wao kwa fimbo na uovu wao kwa makofi.
33 asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.
Lakini sitauondoa kwake upendo wangu thabiti wala kutokuwa mwaminifu kwa ahadi yangu.
34 Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.
Sitavunja agano langu wala kubadilisha maneno ya midomoni mwangu.
35 Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,
Mara moja na kwa yote, nimeapa kwa utakatifu wangu sitamdanganya Daudi:
36 kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva;
uzao wake utaendelea milele na kiti chake cha enzi kama vile jua mbele yangu.
37 chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera
Kitaimarishwa milele kama mwezi, shahidi mwaminifu mawinguni.” (Selah)
38 Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.
Lakini wewe umemtupa na kumkataa; umemkasirikia mfalme mpakwa mafuta wako.
39 Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.
Wewe umelikataa agano la mtumishi wako. Umeinajisi taji yake ardhini.
40 Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.
Umevunja kuta zake zote. Umeharibu ngome yake.
41 Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.
Wapita njia wote wamemuibia, amekuwa kitu chenye kinyaa kwa majirani zake.
42 Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare.
Umeinua mkono wa kuume wa adui zake; umewafurahisha adui zake wote.
43 Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.
Umeyageuza makali ya upanga wake. Na hukumfanya asimame awapo vitani.
44 Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.
Umeimaliza fahari yake; umekitupa ardhini kiti chake cha enzi.
45 Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera
Umefupisha siku za ujana wake. Umemfunika kwa aibu. (Selah)
46 Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?
Mpaka lini, Yahwe? utajificha, milele? Mpaka lini hasira yako itawaka kama moto?
47 Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!
Oh, fikiria jinsi muda wangu ulivyo mfupi, na ni kwa ajili gani umewaumba wana wote wa wanadamu wasio na manufaa!
48 Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera (Sheol h7585)
Ni nani aweza kuishi na asife, au atakaye iokoa nafsi yake dhidi ya mkono wa kuzimu? (Selah) (Sheol h7585)
49 Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?
Bwana, yako wapi matendo yako ya zamani ya uaminifu wa agano ambayo ulimwapia Daudi katika kweli yako?
50 Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose,
Kumbuka, Bwana, watumishi wako walivyodhihakiwa na vile nilivyo vumilia moyoni mwangu matusi mengi dhidi ya mataifa.
51 kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu.
Maadui zako wanavurumiza matusi, Yahwe; wanadhihaki nyayo za mpakwa mafuta wako.
52 Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi!
Atukuzwe Yahwe milele. Amina na Amina. Kitabu cha Nne

< Mapisarema 89 >