< Mapisarema 89 >

1 Masikiri raEtani muEzirahi. Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi; ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kuzvizvarwa zvose.
A maschil of Ethan the Ezrahite. I will sing of Yahweh's acts of covenant faithfulness forever. I will proclaim your truthfulness to future generations.
2 Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko.
For I have said, “Covenant faithfulness has been established forever; your truthfulness you have established in the heavens.”
3 Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti,
“I have made a covenant with my chosen one, I have made an oath to David my servant.
4 ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kuzvizvarwa zvose.’” Sera
I will establish your descendants forever, and I will establish your throne through all generations.” (Selah)
5 Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.
The heavens praise your wonders, Yahweh; your truthfulness is praised in the assembly of the holy ones.
6 Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?
For who in the skies can be compared to Yahweh? Who among the sons of the gods is like Yahweh?
7 Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.
He is a God who is greatly honored in the council of the holy ones and is awesome among all who surround him.
8 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.
Yahweh God of hosts, who is strong like you, Yahweh? Your truthfulness surrounds you.
9 Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.
You rule the raging sea; when the waves surge, you calm them.
10 Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
You crushed Rahab as one who is killed. You scattered your enemies with your strong arm.
11 Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi.
The heavens belong to you, and the earth also. You made the world and all it contains.
12 Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.
You created the north and the south. Tabor and Hermon rejoice in your name.
13 Ruoko rwenyu rune simba; chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.
You have a mighty arm and a strong hand, and your right hand is high.
14 Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.
Righteousness and justice are the foundation of your throne. Covenant faithfulness and trustworthiness come before you.
15 Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.
Blessed are the people who worship you! Yahweh, they walk in the light of your face.
16 Vanofara muzita renyu zuva rose; vanofara mukururama kwenyu.
They rejoice in your name all day long, and in your righteousness they exalt you.
17 Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo, uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu.
You are their majestic strength, and by your favor we are victorious.
18 Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.
For our shield belongs to Yahweh; our king belongs to the Holy One of Israel.
19 Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.
Long ago you spoke in a vision to your faithful ones; you said, “I have set a crown on a mighty one.” I have raised up one chosen from among the people.
20 Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene.
I have chosen David my servant; with my holy oil have I anointed him.
21 Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.
My hand will support him; my arm will strengthen him.
22 Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.
No enemy will deceive him; no son of wickedness will oppress him.
23 Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.
I will crush his enemies before him; I will kill those who hate him.
24 Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.
My truth and my covenant faithfulness will be with him; by my name he will be victorious.
25 Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
I will place his hand over the sea and his right hand over the rivers.
26 Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’
He will call out to me, 'You are my Father, my God, and the rock of my salvation.'
27 Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.
I also will place him as my firstborn son, the most exalted of the kings of the earth.
28 Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi.
I will extend my covenant faithfulness to him forever; and my covenant with him will be secure.
29 Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo.
I will make his descendants endure forever and his throne as enduring as the skies above.
30 “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema,
If his children forsake my law and do not walk in my regulations,
31 kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,
if they break my rules and do not keep my commands,
32 ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru;
then will I punish their rebellion with a rod and their iniquity with blows.
33 asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.
But I will not remove my steadfast love from him or be unfaithful to my promise.
34 Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.
I will not break my covenant or change the words of my lips.
35 Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,
Once and for all I have sworn by my holiness— I will not lie to David:
36 kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva;
his descendants will continue forever and his throne as long as the sun before me.
37 chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera
It will be established forever like the moon, the faithful witness in the sky.” (Selah)
38 Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.
But you have refused and rejected; you have been angry with your anointed king.
39 Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.
You have renounced the covenant of your servant. You have desecrated his crown on the ground.
40 Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.
You have broken down all his walls. You have ruined his strongholds.
41 Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.
All who pass by have robbed him. He has become an object of disgust to his neighbors.
42 Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare.
You have raised the right hand of his enemies; you have made all his enemies rejoice.
43 Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.
You turn back the edge of his sword and have not made him stand when in battle.
44 Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.
You have brought his splendor to an end; you have brought down his throne to the ground.
45 Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera
You have shortened the days of his youth. You have covered him with shame. (Selah)
46 Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?
How long, Yahweh? Will you hide yourself, forever? How long will your anger burn like fire?
47 Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!
Oh, think about how short my time is, and for what uselessness you have created all the children of mankind!
48 Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera (Sheol h7585)
Who can live and not die, or rescue his own life from the hand of Sheol? (Selah) (Sheol h7585)
49 Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?
Lord, where are your former acts of covenant faithfulness that you swore to David in your truthfulness?
50 Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose,
Call to mind, Lord, the mocking directed against your servants and how I bear in my heart so many insults from the nations.
51 kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu.
Your enemies hurl insults, Yahweh; they mock the footsteps of your anointed one.
52 Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi!
Blessed be Yahweh forever. Amen and Amen.

< Mapisarema 89 >