< Mapisarema 88 >

1 Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi. Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.
Господе Боже, Спаситељу мој, дању вичем и ноћу пред Тобом.
2 Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.
Нек изађе преда Те молитва моја, пригни ухо своје к јауку мом;
3 Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva. (Sheol h7585)
Јер је душа моја пуна јада, и живот се мој примаче паклу. (Sheol h7585)
4 Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.
Изједначих се с онима који у гроб одлазе, постадох као човек без силе,
5 Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.
Као међу мртве бачен, као убијени, који леже у гробу, којих се више не сећаш, и који су од руке Твоје далеко.
6 Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.
Метнуо си ме у јаму најдоњу, у таму, у бездану.
7 Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera
Отежа ми гнев Твој, и свима валима својим удараш ме.
8 Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo, uye mukandiita chinhu chinonyangadza. Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;
Удаљио си од мене познанике моје, њима си ме омразио; затворен сам, и не могу изаћи.
9 meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.
Око моје усахну од јада, вичем Те, Господе, сав дан, пружам к Теби руке своје.
10 Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here? Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera
Еда ли ћеш на мртвима чинити чудеса? Или ће мртви устати и Тебе славити?
11 Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva, nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?
Еда ли ће се у гробу приповедати милост Твоја, и истина Твоја у труљењу?
12 Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?
Еда ли ће у тами познати чудеса Твоја, и правду Твоју где се све заборавља?
13 Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.
Али ја, Господе, к Теби вичем, и јутром молитва моја срета Те.
14 Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?
Зашто, Господе, одбацујеш душу моју, и одвраћаш лице своје од мене?
15 Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.
Мучим се и издишем од удараца, подносим страхоте Твоје, без надања сам.
16 Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.
Гнев Твој стиже ме, страхоте Твоје раздиру ме.
17 Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose.
Оптечу ме сваки дан као вода, стежу ме одсвуда.
18 Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.
Удаљио си од мене друга и пријатеља; познаници моји сакрили су се у мрак.

< Mapisarema 88 >