< Mapisarema 87 >

1 Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;
مزمور و سرود بنی قورح اساس او در کوههای مقدس است.۱
2 Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.
خداوند دروازه های صهیون رادوست می‌دارد، بیشتر از جمیع مسکن های یعقوب.۲
3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera
سخنهای مجید درباره تو گفته می‌شود، ای شهر خدا! سلاه.۳
4 “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’”
رهب و بابل را ازشناسندگان خود ذکر خواهم کرد. اینک فلسطین و صور و حبش، این در آنجا متولد شده است.۴
5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”
ودرباره صهیون گفته خواهد شد که این و آن در آن متولد شده‌اند. و خود حضرت اعلی آن را استوارخواهد نمود.۵
6 Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera
خداوند چون امت‌ها رامی نویسد، ثبت خواهد کرد که این در آنجا متولدشده است، سلاه.۶
7 Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”
مغنیان و رقص کنندگان نیز. جمیع چشمه های من در تو است.۷

< Mapisarema 87 >