< Mapisarema 86 >

1 Munyengetero waDhavhidhi. Inzwai, imi Jehovha, mundipindure, nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa.
Dawid mpaebɔ. Awurade, tie me na gye me so, efisɛ meyɛ ohiani ne mmɔborɔni.
2 Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
Bɔ me nkwa ho ban, efisɛ mede me ho ama wo. Wo ne me Nyankopɔn, gye wʼakoa a ɔde ne ho to wo so.
3 Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
Awurade, hu me mmɔbɔ, na misu frɛ wo daa nyinaa.
4 Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.
Ma wʼakoa ani nnye, na wo Awurade, wo nkyɛn na mema me kra so ba.
5 Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.
Awurade, wuye na wode bɔne kyɛ, wowɔ ɔdɔ mmoroso ma wɔn a wosu frɛ wo nyinaa.
6 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.
Awurade, tie me mpaebɔ; tie me mmɔborɔsu.
7 Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.
Mɛfrɛ wo mʼahohia da mu, na wubegye me so.
8 Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari; hakuna mabasa akaita seenyu.
Awurade, onyame bi nni hɔ a ɔte sɛ wo; na wɔn nnwuma biara nto wo de.
9 Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe; dzicharumbidza zita renyu.
Awurade, aman a woakyekyere nyinaa bɛba abɛsom wo wɔ wʼanim; wɔbɛba abɛhyɛ wo din anuonyam.
10 Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa; imi moga ndimi Mwari.
Woyɛ ɔkɛse na woyɛ anwonwa nnwuma; wo nko ara ne Onyankopɔn.
11 Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu, uye ndichafamba muzvokwadi yenyu; ndipei mwoyo mumwe, kuti ndigotya zita renyu.
Awurade, kyerɛ me wʼakwan, na mɛnantew wo nokware mu; ma memfa me koma nyinaa mma wo na masuro wo din.
12 Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.
Mede me koma nyinaa meyi wo ayɛ, Awurade me Nyankopɔn na mahyɛ wo din anuonyam daa nyinaa.
13 Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika. (Sheol h7585)
Efisɛ ɔdɔ a wode dɔ me no so; woayi me afi owu amoa mu tɔnn. (Sheol h7585)
14 Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa; boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasina hanya nemi.
Ao, Onyankopɔn, ahomasofo atow ahyɛ me so; basabasayɛfo kuw rehwehwɛ me akum me, nnipa a wɔmmfa wo nyɛ hwee no.
15 Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.
Nanso wo, Awurade, woyɛ mmɔborɔhunufo ne ɔdomfo Nyankopɔn, wo bo kyɛ fuw, na wʼadɔe ne wo nokware dɔɔso.
16 Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni; ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.
Dan wʼani hwɛ me na dom me; fa wʼahoɔden ma wʼakoa na gye wʼafenaa babarima nkwa.
17 Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu, kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa, nokuti imi Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.
Ma me wo papayɛ ho nsɛnkyerɛnne, na mʼatamfo nhu na wɔn anim ngu ase na wo, Awurade, wo na woaboa me akyekye me werɛ.

< Mapisarema 86 >