< Mapisarema 85 >

1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha; makadzosera Jakobho nhaka yake.
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha; makadzosera Jakobho nhaka yake.
2 Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera
Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera
3 Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.
Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.
4 Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.
Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.
5 Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose here?
Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose here?
6 Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?
Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?
7 Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu.
Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu.
8 Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi.
Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi.
9 Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.
Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.
10 Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.
Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.
11 Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.
Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.
12 Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.
Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.
13 Kururama kuchamutungamirira, uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.
Kururama kuchamutungamirira, uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.

< Mapisarema 85 >