< Mapisarema 85 >

1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha; makadzosera Jakobho nhaka yake.
ヱホバよなんぢは御國にめぐみをそそぎたまへり なんぢヤコブの俘囚をかへしたまひき
2 Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera
なんぢおのが民の不義をゆるしそのもろもろの罪をおほひたまひき (セラ)
3 Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.
汝すべての怒をすてその烈しきいきどほりを遠けたまへり
4 Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.
われらのすくひの神よかへりきたり我儕にむかひて忿怒をやめたまへ
5 Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose here?
なんぢ永遠にわれらをいかり萬世にみいかりをひきのべたまふや
6 Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?
汝によりてなんぢの民の喜悦をえんが爲に我儕を活したまはざるか
7 Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu.
ヱホバよなんぢの憐憫をわれらにしめし汝のすくひを我儕にあたへたまへ
8 Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi.
わが神ヱホバのいたりたまふ事をきかん ヱホバはその民その聖徒に平和をかたりたまへばなり さればかれらは愚かなる行爲にふたたび歸るなかれ
9 Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.
實にそのすくひは神をおそるる者にちかし かくて榮光はわれらの國にとどまらん
10 Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.
あはれみと眞實とともにあひ義と平和とたがひに接吻せり
11 Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.
まことは地よりはえ義は天よりみおろせり
12 Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.
ヱホバ善物をあたへたまへばわれらの國は物產をいださん
13 Kururama kuchamutungamirira, uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.
義はヱホバのまへにゆきヱホバのあゆみたまふ跡をわれに踏しめん

< Mapisarema 85 >