< Mapisarema 83 >

1 Rwiyo. Pisarema raAsafi. Haiwa Mwari, regai kunyarara; musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.
Ein Gesang, ein Lied, von Asaph. Gott, sei nicht still! Schweig nicht! Bleib nicht so ruhig, Gott!
2 Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo.
Denn siehe, Deine Feinde sind geschäftig; das Haupt erheben Deine Hasser.
3 Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.
Sie halten, Deinem Volk zuwider, listig Rat, beraten gegen Deine Schutzbefohlenen.
4 Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.”
Sie sprechen: "Auf, wir wollen sie als Volk vernichten. Nie werde mehr des Namen Israels gedacht!"
5 Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi,
Einmütig halten Rat und schließen gegen Dich ein Bündnis
6 matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari,
Edoms und Ismaels Gezelte, Moabs und die der Agarener,
7 Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire.
Gebal, Ammon und Amalek, Philisterland und Tyrier.
8 Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera
Auch Assur schließt sich ihnen an; sie leihen ihren Arm den Söhnen Lots. (Sela)
9 Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia, sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,
Behandle sie wie Midian, wie Sisara, wie Jabin an dem Kisonsbach!
10 ivo vakafira paEndori uye vakava sendove pamusoro pevhu.
Zu Endor wurden sie vertilgt; sie wurden Dünger für das Ackerfeld.
11 Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi, machinda avo ose saZebha naZarumuna,
Tu ihren Edlen wie Oreb und Zeeb, wie Zeba und Salmunna, allen ihren Fürsten!
12 ivo vakati, “Handei tindotora mafuro aMwari.”
Sie sprechen: "Lasset Gottes Auen uns erobern!"
13 Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira, sehundi inodzingwa nemhepo.
Mein Gott! Mach sie dem Wirbellaube gleich, den Stoppeln vor dem Winde!
14 Somoto unopisa sango kana moto unoririma mugomo,
Wie Feuer, das den Wald verzehrt, wie Flammen, Berge sengend,
15 saka vateverei nedutu renyu mugovavhundutsa nokutinhira wenyu.
jag ihnen nach mit Deinem Wetter! Und schreckt sie mit Deinem Sturme!
16 Fukidzai zviso zvavo nenyadzi kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.
Füll an ihr Angesicht mit Schmach, auf daß sie Deinen Namen fürchten, Herr!
17 Ngavarambe vachinyadziswa uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.
Sie sollen schämen sich, für immerdar verwirrt, mit Schanden untergehen!
18 Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.
Dann merken sie, daß Du mit Deinem Namen heißest

< Mapisarema 83 >