< Mapisarema 82 >

1 Pisarema raAsafi. Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,
מזמור לאסף אלהים נצב בעדת-אל בקרב אלהים ישפט
2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera
עד-מתי תשפטו-עול ופני רשעים תשאו-סלה
3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.
שפטו-דל ויתום עני ורש הצדיקו
4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.
פלטו-דל ואביון מיד רשעים הצילו
5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.
לא ידעו ולא יבינו-- בחשכה יתהלכו ימוטו כל-מוסדי ארץ
6 “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’
אני-אמרתי אלהים אתם ובני עליון כלכם
7 Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.”
אכן כאדם תמותון וכאחד השרים תפלו
8 Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.
קומה אלהים שפטה הארץ כי-אתה תנחל בכל-הגוים

< Mapisarema 82 >