< Mapisarema 81 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi. Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho!
Asaf dwom. Monto ahurusi dwom mma Onyankopɔn yɛn ahoɔden; mommɔ ose mma Yakob Nyankopɔn no!
2 Vambai rwiyo, muridze tambureni, ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.
Momma nnwom no so na monwosow akasaa. Mommɔ sanku ne bɛnta dɛdɛ no.
3 Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi, uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;
Monhyɛn mmentia ɔsram foforo da no, ne ne kurokumatwa mu, yɛn Aponto da no;
4 ichi ndicho chirevo chaIsraeri, chakatarwa naMwari waJakobho.
Eyi yɛ Israelfo ahyɛde, Yakob Nyankopɔn mmara.
5 Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa panguva yaakandorwa neIjipiti, uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.
Otintimii sɛ nhyehyɛe maa Yosef bere a ɔsɔre tiaa Misraim no, faako a yɛtee kasa a yɛnte ase no.
6 Iye anoti, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo; maoko avo akasunungurwa padengu.
Ɔka se, “Miyii adesoa no fii wɔn mmati so, ne wɔn nsa fii kɛntɛn ho.
7 Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura, ndakakupindura ndiri mugore rokutinhira; ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera
Mo ahohiahia mu mofrɛɛ me na migyee mo, migyee mo so wɔ aprannaa mu; mesɔɔ mo hwɛɛ wɔ Meriba nsu ho.
8 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai, kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!
“Me nkurɔfo, muntie me kɔkɔbɔ yi, Israel, sɛ mubetie me a!
9 Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa, musapfugamira mwari wokumwe.
Ɛnsɛ sɛ munya anyame foforo bi wɔ mo mu; ɛnsɛ sɛ mokotow ananafo anyame.
10 Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva munyika yeIjipiti. Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.
Mene Awurade, mo Nyankopɔn a miyii mo fii Misraim asase so no. Mummue mo anom tɛtrɛɛ na mɛhyɛ mu ma.
11 “Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa, Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.
“Nanso me nkurɔfo rentie me; Israel remmrɛ ne ho ase mma me.
12 Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo, kuti vatevere mano avo.
Enti migyaa wɔn maa wɔn komaden sɛ wɔnyɛ nea wɔpɛ biara.
13 “Kana vanhu vangu vakada kunditeerera, kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,
“Sɛ me nkurɔfo tie me, na Israel nantew mʼakwan so a,
14 ndaikurumidza kukunda sei vavengi vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!
anka medi wɔn atamfo so ama wɔn ntɛm na mama me basa so atia wɔn a wokyi wɔn!
15 Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake, uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.
Wɔn a wɔtan Awurade no de osuro bɛkotow no, na wɔn asotwe to rentwa da.
16 Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka; uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”
Nanso wɔde atoko mu atoko papa bɛma mo adi; mede ɔbotan mu wo bɛma mo amee.”

< Mapisarema 81 >