< Mapisarema 80 >
1 Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro wa “Maruva amahapa eSungano.” Pisarema raAsafi. Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri, imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai; iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai
證詞の百合花といへる調にあはせて伶長にうたはしめたるアサフの歌 イスラエルの牧者よひつじの群のごとくヨセフを導きたまものよ 耳をかたぶけたまヘ ケルビムのうへに坐したまふものよ 光をはなちたまヘ
2 pamberi paEfuremu, Bhenjamini naManase. Mutsai simba renyu; uyai mutiponese.
エフライム、ベニヤミン、マナセの前になんぢの力をふりおこし來りてわれらを救ひたまへ
3 Tidzorei, imi Mwari, penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.
神よふたたびわれらを復し なんぢの聖顔のひかりをてらしたまへ 然ばわれら救をえん
4 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, kutsamwa kwenyu kucharamba kuchipisa pamusoro peminyengetero yavanhu venyu kusvikira riniko?
ばんぐんの神ヱホバよなんぢその民の祈にむかひて何のときまで怒りたまふや
5 Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye; makaita kuti vanwe misodzi yakawanda.
汝かれらになみだの糧をくらはせ涙を量器にみちみつるほどあたへて飮しめ給へり
6 Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo, uye vavengi vedu vanotiseka.
汝われらを隣人のあひあらそふ種料となしたまふ われらの仇はたがひにあざわらへり
7 Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.
萬軍の神よふたたびわれらを復したまへ 汝のみかほの光をてらしたまへ さらばわれら救をえん
8 Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti; makadzinga ndudzi mukaudyara.
なんぢ葡萄の樹をエジプトより携へいだしもろもろの國人をむひしりぞけて之をうゑたまへり
9 Makaukurira nzvimbo, uye ukava nemidzi ukazadza nyika.
汝そのまへに地をまうけたまひしかば深く根して國にはびこれり
10 Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo, nemisidhari mikuru namatavi awo.
その影はもろもろの山をおほひ そのえだは神の香柏のごとくにてありき
11 Wakatandavadza matavi awo kusvikira kuGungwa, namabukira awo kusvikira kuRwizi.
その樹はえだを海にまでのべ その若枝を河にまでのべたり
12 Seiko makaputsa masvingo awo kuti vose vanopfuura napo vanonge mazambiringa awo?
汝いかなればその垣をくづして路ゆくすべての人に嫡取ら亡たまふやまや
13 Nguruve dzinobva musango dzinouparadza, uye zvisikwa zvesango zvinoudya.
はやしの猪はこれをあらし野のあらき獣はこれをくらふ
14 Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose! Tarirai muri kudenga muone! Rindai muzambiringa uyu,
ああ萬軍の神よねがはくは歸りたまへ 天より俯視てこの葡萄の樹をかへりみ
15 iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, mwanakomana wamakazvirerera.
なんぢが右の手にてうゑたまへるもの自己のために強くなしたまへる枝をまもりたまへ
16 Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto; pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa.
その樹は火にて焼れまた斫たふさる かれらは聖顔のいかりにて亡ぶ
17 Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu, mwanakomana womunhu wamakazvirerera.
ねがはくはなんぢの手をその右の手の人のうへにおき自己のためにつよくなしたまへる人の子のうへにおきたまへ
18 Ipapo hatingazobvi kwamuri; timutsiridzei, tigodana kuzita renyu.
さらばわれら汝をしりぞき離るることなからん 願くはわれらを活したまへ われら名をよばん
19 Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.
ああ萬軍の神ヱホバよふたたび我儕をかへしたまへ なんぢの聖顔のひかりを照したまへ 然ばわれら救をえん