< Mapisarema 8 >

1 Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro.
【人的尊威】 達味詩歌,交與槳官。調寄「加特」。 上主,我們的主!你的名號在普世何其美妼!你的尊榮在天上彰顯光耀。
2 Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
由赤子乳兒的口中,你取得完美的讚頌;為使恨你的人受辱,為使仇敵有口無用。
3 Kana ndichifunga nezvamatenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo,
當我仰望你手指創造的穹蒼,和你在天上布置的星辰月亮,
4 munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
世人算什麼,你竟對他懷念不忘?人子算什麼,你竟對他眷顧周詳?
5 Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
竟使他稍微遜於天神,以尊貴光榮作他冠冕,
6 Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:
令他統治你手的造化,將一切放在他的腳下:
7 makwai ose nemombe, nemhuka dzesango,
所有的羊和牛,與野外的走獸,
8 neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.
天空的飛鳥和海裏的魚類,及種種游泳於海道的水族。
9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!
上主,我們的主!你的名號在普世何其美妙!

< Mapisarema 8 >