< Mapisarema 79 >

1 Pisarema raAsafi. Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu; vakasvibisa temberi yenyu tsvene, Jerusarema varideredza rikava marara.
Zaburi ya Asafu. Mungu, Mataifa ya kigeni yameingia kwenye urithi wako; wamelinajisi hekalu lako takatifu; wameigeuza Yerusalemu kuwa chungu cha magofu.
2 Vakapa mitumbi yavaranda venyu sezvokudya zveshiri dzedenga, nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika.
Wamezitoa maiti za watumishi wako ziwe chakula cha ndege wa angani, miili ya watakatifu wako iwe chakula cha wanyama wa nchi.
3 Vakateura ropa kunge mvura paJerusarema rose, uye hakuna munhu anoviga zvitunha.
Wamemwaga damu zao kama maji sehemu zote za Yesrusalemu, na hakuwepo wa kuwazika.
4 Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo, chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza.
Sisi tumekuwa aibu kwa majirani zetu, tukidhihakiwa na kuzomewa na wale wanaotuzunguka.
5 Haiwa Jehovha, mucharamba makatitsamwira nokusingaperi kusvikira riniko? Godo renyu richapisa somoto kusvikira riniko?
Mpaka lini Yahwe? Utabaki kuwa na hasira milele? Ni kwa muda gani hasira yako ya wivu itawaka kama moto?
6 Dururirai hasha dzenyu pamusoro pendudzi dzisingakuzive, napaushe husingadani kuzita renyu;
Mwaga hasira yako juu ya mataifa ambayo hayakujui wewe na ufalme ambao hauliiti jina lako.
7 nokuti vakapedza Jakobho uye vakaparadza nyika yokwake.
Kwa maana walimvamia Yakobo na waliharibu kijiji chake.
8 Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba; tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu, nokuti tiri pakutambudzika.
Usiendelee kukumbuka dhambi za baba zetu dhidi yetu; matendo yako ya huruma yaje kwetu, maana tuko chini.
9 Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu, nokuda kwokukudzwa kwezita renyu; tirwirei mutiregerere zvivi zvedu nokuda kwezita renyu.
Utusaidie, Mungu wa wokovu wetu, kwa ajili ya utukufu wa jina lako; utuokoe na usamehe dhambi zetu kwa ajili ya jina lako.
10 Ndudzi dzichataurireiko dzichiti, “Mwari wavo aripi?” Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu, kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa.
Kwa nini mataifa yalazimike kusema, “Mungu wao yuko wapi?” Damu ya watumishi wako ambayo ilimwagwa na ilipize kisasi juu ya mataifa mbele ya macho yako.
11 Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu; nesimba roruoko rwenyu chengetedzai avo vakatongerwa rufu.
Kilio cha wafungwa na kije mbele zako; kwa uweza wa nguvu zako uwaweke ai wana wa mauti.
12 Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu, kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe.
Uwalipize majirani zetu vifuani mwao mara saba zaidi ya walivyo kutukana wewe, Bwana.
13 Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu, vachakurumbidzai nokusingaperi; kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa, ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.
Hivyo sisi watu wako na kondoo wa malisho yako tutakushukuru milele. Tutazisimulia sifa zako kwa vizazi vyote.

< Mapisarema 79 >