< Mapisarema 79 >

1 Pisarema raAsafi. Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu; vakasvibisa temberi yenyu tsvene, Jerusarema varideredza rikava marara.
(En Salme af Asaf.) Hedninger er trængt ind i din arvelod, Gud de har besmittet dit hellige Tempel og gjort Jerusalem til en Stenhob;
2 Vakapa mitumbi yavaranda venyu sezvokudya zveshiri dzedenga, nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika.
de har givet Himlens Fugle dine Tjeneres Lig til Æde, Jordens vilde Dyr dine frommes Kød;
3 Vakateura ropa kunge mvura paJerusarema rose, uye hakuna munhu anoviga zvitunha.
deres Blod har de udøst som Vand omkring Jerusalem, ingen jorder dem;
4 Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo, chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza.
vore Naboer er vi til Hån, vore Grander til Spot og Spe.
5 Haiwa Jehovha, mucharamba makatitsamwira nokusingaperi kusvikira riniko? Godo renyu richapisa somoto kusvikira riniko?
Hvor længe vredes du, HERRE - for evigt? hvor længe skal din Nidkærhed lue som Ild?
6 Dururirai hasha dzenyu pamusoro pendudzi dzisingakuzive, napaushe husingadani kuzita renyu;
Udøs din Vrede på Folk, der ikke kender dig, på Riger, som ikke påkalder dit Navn;
7 nokuti vakapedza Jakobho uye vakaparadza nyika yokwake.
thi de har opædt Jakob og lagt hans Bolig øde.
8 Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba; tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu, nokuti tiri pakutambudzika.
Tilregn os ikke Fædrenes Brøde, lad din Barmhjertighed komme os snarlig i Møde, thi vi er såre ringe,
9 Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu, nokuda kwokukudzwa kwezita renyu; tirwirei mutiregerere zvivi zvedu nokuda kwezita renyu.
Hjælp os, vor Frelses Gud, for dit Navns Æres Skyld, fri os, forlad vore Synder for dit Navns Skyld!
10 Ndudzi dzichataurireiko dzichiti, “Mwari wavo aripi?” Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu, kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa.
Hvorfor skal Hedninger sige: "Hvor er deres Gud?" Lad dine Tjeneres udgydt Blod blive hævnet på Hedningerne for vore Øjne!
11 Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu; nesimba roruoko rwenyu chengetedzai avo vakatongerwa rufu.
Lad de fangnes Suk nå hen for dit Åsyn, udløs Dødens Børn efter din Arms Vælde,
12 Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu, kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe.
lad syvfold Gengæld ramme vore Naboer for Hånen, de viser dig, Herre!
13 Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu, vachakurumbidzai nokusingaperi; kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa, ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.
Men vi dit Folk og den Hjord, du røgter, vi vil evindelig takke dig, forkynde din Pris fra Slægt til Slægt!

< Mapisarema 79 >