< Mapisarema 78 >
1 Masikiri raAsafi. Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu.
En Maskil af Asaf. Lyt, mit Folk, til min Lære, bøj eders Øre til Ord fra min Mund;
2 Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,
jeg vil aabne min Mund med Billedtale, fremsætte Gaader fra fordums Tid,
3 zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu.
hvad vi har hørt og ved, hvad vore Fædre har sagt os;
4 Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
vi dølger det ikke for deres Børn, men melder en kommende Slægt om HERRENS Ære og Vælde og Underne, som han har gjort.
5 Akatema zvirevo zvaJakobho akasimbisa murayiro muIsraeri, waakarayira madzitateguru edu kuti vadzidzise vana vavo,
Han satte et Vidnesbyrd i Jakob, i Israel gav han en Lov, idet han bød vore Fædre at lade deres Børn det vide,
6 kuti rudzi runotevera ruzvizive, kunyange vana vachazoberekwa, naivo vagozoudzawo vana vavo.
at en senere Slægt kunde vide det, og Børn, som fødtes siden, staa frem og fortælle deres Børn derom,
7 Ipapo vachavimba naMwari wavo uye havangazokanganwi mabasa ake asi vachazochengeta mirayiro yake.
saa de slaar deres Lid til Gud og ikke glemmer Guds Gerninger, men overholder hans Bud,
8 Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.
ej slægter Fædrene paa, en vanartet, stridig Slægt, hvis Hjerte ikke var fast, hvis Aand var utro mod Gud
9 Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa;
— Efraims Børn var rustede Bueskytter, men svigted paa Stridens Dag —
10 havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.
Gudspagten holdt de ikke, de nægtede at følge hans Lov;
11 Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza.
hans Gerninger gik dem ad Glemme, de Undere, han lod dem skue.
12 Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.
Han gjorde Undere for deres Fædre i Ægypten paa Zoans Mark;
13 Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.
han kløved Havet og førte dem over, lod Vandet staa som en Vold;
14 Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose.
han ledede dem ved Skyen om Dagen, Natten igennem ved Ildens Skær;
15 Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;
han kløvede Klipper i Ørkenen, lod dem rigeligt drikke som af Strømme,
16 akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi.
han lod Bække rinde af Klippen og Vand strømme ned som Floder.
17 Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.
Men de blev ved at synde imod ham og vække den Højestes Vrede i Ørkenen;
18 Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.
de fristede Gud i Hjertet og krævede Mad til at stille Sulten,
19 Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?
de talte mod Gud og sagde: »Kan Gud dække Bord i en Ørken?
20 Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?”
Se, Klippen slog han, saa Vand flød frem, og Bække vælded ud; mon han ogsaa kan give Brød og skaffe Kød til sit Folk?«
21 Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri,
Det hørte HERREN, blev vred, der tændtes en Ild mod Jakob, ja Vrede kom op mod Israel,
22 nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake.
fordi de ikke troede Gud eller stolede paa hans Frelse.
23 Asi akarayira matenga kumusoro akazarura makonhi okumatenga;
Da bød han Skyerne oventil, lod Himlens Døre aabne
24 akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga.
og Manna regne paa dem til Føde, han gav dem Himmelkorn;
25 Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.
Mennesker spiste Englebrød, han sendte dem Mad at mætte sig med.
26 Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.
Han rejste Østenvinden paa Himlen, førte Søndenvinden frem ved sin Kraft;
27 Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa.
Kød lod han regne paa dem som Støv og vingede Fugle som Havets Sand,
28 Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose.
lod dem falde midt i sin Lejr, rundt omkring sine Boliger;
29 Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga.
Og de spiste sig overmætte, hvad de ønsked, lod han dem faa.
30 Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo,
Men før deres Attraa var stillet, mens Maden var i deres Mund,
31 kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri.
rejste Guds Vrede sig mod dem; han vog deres kraftige Mænd, fældede Israels Ynglinge.
32 Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda.
Og dog blev de ved at synde og troede ej paa hans Undere.
33 Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya.
Da lod han deres Dage svinde i Tomhed og endte brat deres Aar.
34 Pose pavaiurayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari.
Naar han vog dem, søgte de ham, vendte om og spurgte om Gud,
35 Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.
kom i Hu, at Gud var deres Klippe, Gud den Allerhøjeste deres Genløser.
36 Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo;
De hyklede for ham med Munden, løj for ham med deres Tunge;
37 mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
deres Hjerter holdt ikke fast ved ham, hans Pagt var de ikke tro.
38 Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.
Og dog er han barmhjertig, han tilgiver Misgerning, lægger ej øde, hans Vrede lagde sig Gang paa Gang, han lod ikke sin Harme fuldt bryde frem;
39 Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.
han kom i Hu, de var Kød, et Pust, der svinder og ej vender tilbage.
40 Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje!
Hvor tit stod de ham ikke imod i Ørkenen og voldte ham Sorg i det øde Land!
41 Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.
De fristede atter Gud, de krænkede Israels Hellige;
42 Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,
hans Haand kom de ikke i Hu, den Dag han friede dem fra Fjenden,
43 zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani.
da han gjorde sine Tegn i Ægypten, sine Undere paa Zoans Mark,
44 Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa; havana kugona kunwa muhova dzavo.
forvandled deres Floder til Blod, saa de ej kunde drikke af Strømmene,
45 Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru.
sendte Myg imod dem, som aad dem, og Frøer, som lagde dem øde,
46 Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu.
gav Æderen, hvad de avlede, Græshoppen al deres Høst,
47 Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando.
slog deres Vinstokke ned med Hagl, deres Morbærtræer med Frost,
48 Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.
prisgav Kvæget for Hagl og deres Hjorde for Lyn.
49 Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza.
Han sendte sin Vredesglød mod dem, Harme, Vrede og Trængsel, en Sendefærd af Ulykkesengle;
50 Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.
frit Løb gav han sin Vrede, skaaned dem ikke for Døden, gav deres Liv til Pris for Pest;
51 Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.
alt førstefødt i Ægypten slog han, Mandskraftens Førstegrøde i Kamiternes Telte,
52 Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga.
lod sit Folk bryde op som en Hjord, leded dem som Kvæg i Ørkenen,
53 Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo.
leded dem trygt, uden Frygt, mens Havet lukked sig over deres Fjender;
54 Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.
han bragte dem til sit hellige Land, de Bjerge, hans højre vandt,
55 Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.
drev Folkeslag bort foran dem, udskiftede ved Lod deres Land og lod Israels Stammer bo i deres Telte.
56 Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake.
Dog fristed og trodsede de Gud den Allerhøjeste og overholdt ikke hans Vidnesbyrd;
57 Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera.
de faldt fra, var troløse som deres Fædre, svigtede som en slappet Bue,
58 Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
de krænked ham med deres Offerhøje, ægged ham med deres Gudebilleder.
59 Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.
Det hørte Gud og blev vred, følte højlig Lede ved Israel;
60 Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.
han opgav sin Bolig i Silo, det Telt, hvor han boede blandt Mennesker;
61 Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
han gav sin Stolthed i Fangenskab, sin Herlighed i Fjendehaand,
62 Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.
prisgav sit Folk for Sværdet, blev vred paa sin Arvelod;
63 Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;
Ild fortæred dets unge Mænd, dets Jomfruer fik ej Bryllupssange,
64 vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.
dets Præster faldt for Sværdet, dets Enker holdt ikke Klagefest.
65 Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini.
Da vaagned Herren som en, der har sovet, som en Helt, der er døvet af Vin;
66 Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi.
han slog sine Fjender paa Ryggen, gjorde dem evigt til Skamme.
67 Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;
Men han fik Lede ved Josefs Telt, Efraims Stamme udvalgte han ikke;
68 asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada.
han udvalgte Judas Stamme, Zions Bjerg, som han elsker;
69 Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi.
han bygged sit Tempel himmelhøjt, grundfæsted det evigt som Jorden.
70 Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai;
Han udvalgte David, sin Tjener, og tog ham fra Faarenes Folde,
71 akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake.
hentede ham fra de diende Dyr til at vogte Jakob, hans Folk, Israel, hans Arvelod;
72 Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.
han vogtede dem med oprigtigt Hjerte, ledede dem med kyndig Haand.