< Mapisarema 77 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raAsafi. Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.
Al maestro de coro. A Iditún. Salmo de Asaf. Mi voz sube hacia Dios y clama; mi voz va hasta Dios para que me oiga.
2 Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
En el día de mi angustia busco al Señor; de noche, mis manos se extienden sin descanso, y mi alma rehúsa el consuelo.
3 Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera
Si pienso en Dios tengo que gemir; si cavilo, mi espíritu desfallece.
4 Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.
Tú mantienes insomnes mis ojos; estoy perturbado, incapaz de hablar.
5 Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare;
Pienso en los días antiguos y considero los años eternos.
6 ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,
Por la noche medito en mi corazón, reflexiono y mi espíritu inquiere:
7 “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? Haachazombonzwiri ngonizve here?
¿Es que nos desechará el Señor por todos los siglos? ¿No volverá a sernos favorable?
8 Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera
¿Se habrá agotado para siempre su bondad? ¿Será vana su promesa hecha para todas las generaciones?
9 Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”
¿Se habrá olvidado Dios de su clemencia? o ¿en su ira habrá contenido su misericordia?
10 Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi: makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.”
Y dije: “Este es mi dolor: que la diestra del Altísimo haya cambiado.”
11 Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.
Recordaré los hechos de Yahvé; sí, me acuerdo de tus antiguas maravillas;
12 Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.
medito todas tus obras y peso tus hazañas.
13 Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?
Santo es tu camino, oh Dios, ¿Qué Dios hay tan grande como el Dios nuestro?
14 Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
Tú eres el Dios que obra prodigios, y has dado a conocer a los pueblos tu poder.
15 Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera
Redimiste con tu brazo a tu pueblo, a los hijos de Jacob y de José.
16 Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda.
Las aguas te vieron, oh Dios, te vieron las aguas, y temblaron; hasta los abismos se estremecieron.
17 Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nokutinhira; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.
Aguas derramaron las nubes, los cielos hicieron oír su voz, y volaron tus dardos.
18 Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka.
Tu trueno sonó en el torbellino, los relámpagos iluminaron el mundo; se conmovió y tembló la tierra.
19 Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.
Tu camino se abrió a través del mar, y tus sendas sobre inmensas aguas, sin que aparecieran las huellas de tus pisadas.
20 Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.
Y Tú mismo guiaste a tu pueblo como un rebaño, por mano de Moisés y de Aarón.

< Mapisarema 77 >