< Mapisarema 75 >
1 Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo. Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.
Kwa mwimbishaji. Mtindo wa “Usiharibu!” Zaburi ya Asafu. Wimbo. Ee Mungu, tunakushukuru, tunakushukuru wewe, kwa kuwa jina lako li karibu; watu husimulia matendo yako ya ajabu.
2 Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama.
Unasema, “Ninachagua wakati maalum; ni mimi nihukumuye kwa haki.
3 Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera
Wakati dunia na watu wake wote inapotetemeka, ni mimi ninayezishikilia nguzo zake imara.
4 Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.
Kwa wale wenye majivuno ninasema, ‘Msijisifu tena,’ kwa wale waovu, ‘Msiinue pembe zenu.
5 Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’”
Msiinue pembe zenu dhidi ya mbingu; msiseme kwa shingo zilizonyooshwa.’”
6 Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.
Hakuna yeyote atokaye mashariki wala magharibi au kutoka jangwani awezaye kumkweza mwanadamu.
7 Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.
Bali Mungu ndiye ahukumuye: Humshusha huyu na kumkweza mwingine.
8 Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
Mkononi mwa Bwana kuna kikombe kilichojaa mvinyo unaotoka povu uliochanganywa na vikolezo; huumimina, nao waovu wote wa dunia hunywa mpaka tone la mwisho.
9 Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi; ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.
Bali mimi, nitatangaza hili milele; nitaimba sifa kwa Mungu wa Yakobo.
10 Ndichagura nyanga dzavakaipa vose, asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.
Nitazikatilia mbali pembe za waovu wote, bali pembe za wenye haki zitainuliwa juu.