< Mapisarema 75 >

1 Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo. Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.
[For the Chief Musician. To the tune of "Do Not Destroy." A Psalm by Asaph. A song.] We give thanks to you, God. We give thanks, for your Name is near. Men tell about your wondrous works.
2 Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama.
When I choose the appointed time, I will judge blamelessly.
3 Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera
The earth and all its inhabitants quake. I firmly hold its pillars. (Selah)
4 Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.
I said to the arrogant, "Do not boast." I said to the wicked, "Do not lift up the horn.
5 Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’”
Do not lift up your horn on high. Do not speak with a stiff neck."
6 Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.
For neither from the east, nor from the west, nor yet from the south, comes exaltation.
7 Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.
But God is the judge. He puts down one, and lifts up another.
8 Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
For in the hand of the LORD there is a cup, full of foaming wine mixed with spices. He pours it out. Indeed the wicked of the earth drink and drink it to its very dregs.
9 Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi; ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.
But I will declare this forever: I will sing praises to the God of Jacob.
10 Ndichagura nyanga dzavakaipa vose, asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.
I will cut off all the horns of the wicked, but the horns of the righteous shall be lifted up.

< Mapisarema 75 >