< Mapisarema 74 >

1 Masikiri raAsafi. Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi?
Mungu, kwa nini umetukataa milele? Kwa nini hasira yako inawaka dhidi ya kondoo wa malisho yako?
2 Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara.
Wafikilie watu wako, ambao uliwanunua siku nyingi zilizopita, kabila ambalo wewe umelikomboa liwe urithi wako, na Milima Sayuni, mahali uishipo.
3 Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene.
Uje utazame uharibifu kamili, uharibifu ambao umefanywa na adui mahali patakatifu.
4 Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo.
Washindani wako walivamia katikati ya mahali pako maalumu; walipandisha bendera zao za vita.
5 Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti.
Walipakatakata kwa shoka kama katika msitu mnene.
6 Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo.
Walipaharibu na kuvunja sanaa zilizonakshiwa zote; walizivunja kwa shoka na nyundo.
7 Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu.
Walipachoma patakatifu pako; walipanajisi mahari unapoishi, wakigongagonga kwenye ardhi.
8 Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!” Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika.
Walisema mioyoni mwao, “Tutawaharibu wote.” Walichoma sehemu zako zote za kukutania katika nchi.
9 Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa; hakuna muprofita akasara, pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini.
Sisi hatuoni tena ishara; hakuna tena nabii, na hakuna yeyote miongoni mwetu ajuaye haya yatadumu kwa muda gani.
10 Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko? Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here?
Mpaka lini, Mungu, adui atakurushia wewe matusi? Je, atalitukana jina lako milele?
11 Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze!
Kwa nini umerudisha nyuma mkono wako, mkono wako wa kuume? Utoe mkono wako kwenye mavazi yako na uwaangamize.
12 Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika.
Lakini Mungu amekuwa mfalme wangu tangu enzi, akileta wokovu tuniani.
13 Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura.
Wewe uliigawa bahari; ulishambulia vichwa vya majitu ya kutisha baharini majini.
14 Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.
Wewe ulishambulia vichwa vya lewiathani; na kumfanya awe chakula cha viumbe hai jangwani.
15 Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.
Ulizifungulia chemchem na vijito; uliikausha mito itiririkayo.
16 Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi.
Mchana ni wako, na usiku ni wako pia; uliweka jua na mwezi mahari pake.
17 Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando.
Umeiweka mipaka ya nchi; umeumba majira ya joto na majira ya baridi.
18 Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.
Kumbula vile adui alivyo vurumisha matusi kwako, Yahwe, na kwamba watu wapumbavu wamelitukana jina lako.
19 Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa.
Usimtoe njiwa afe kwa mnyama wa porini. Usiusahau milele uhai wa watu wako walio onewa.
20 Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika.
Kumbuka agano lako, maana majimbo ya giza ya nchi yamejaa maeneo ya vurugu.
21 Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi; varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu.
Usiwaache walioonewa warudishwe kwa aibu; uwaache maskini na walioonewa walisifu jina lako.
22 Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu; rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose.
Inuka Mungu, itetee heshima yako; kumbuka wajinga wanavyokutukana machana kutwa.
23 Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu, bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira.
Usisahau sauti ya adui zako au kelele za wale wanaoendelea kukuchafua.

< Mapisarema 74 >