< Mapisarema 74 >
1 Masikiri raAsafi. Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi?
A maschil of Asaph. God, why have you rejected us forever? Why does your anger burn against the sheep of your pasture?
2 Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara.
Call to mind your people, whom you purchased in ancient times, the tribe whom you have redeemed to be your own heritage, and Mount Zion, where you live.
3 Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene.
Come look at the complete ruins, all the damage that the enemy has done in the holy place.
4 Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo.
Your adversaries roared in the middle of your appointed place; they set up their battle flags.
5 Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti.
They hacked away with axes as in a thick forest.
6 Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo.
They smashed and broke down all the engravings; they broke them with axes and hammers.
7 Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu.
They set your sanctuary on fire; they desecrated where you live, knocking it to the ground.
8 Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!” Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika.
They said in their hearts, “We will destroy them all.” They burned up all of your meeting places in the land.
9 Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa; hakuna muprofita akasara, pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini.
We do not see any more signs; there is no prophet any more, and no one among us knows how long this will last.
10 Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko? Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here?
How long, God, will the enemy throw insults at you? Will the enemy blaspheme your name forever?
11 Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze!
Why do you hold back your hand, your right hand? Take your right hand from your garment and destroy them.
12 Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika.
Yet God has been my king from ancient times, bringing salvation on the earth.
13 Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura.
You divided the sea by your strength; you smashed the heads of the sea monsters in the waters.
14 Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.
You crushed the heads of leviathan; you fed him to those living in the wilderness.
15 Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.
You broke open springs and streams; you dried up flowing rivers.
16 Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi.
The day is yours, and the night is yours also; you set the sun and moon in place.
17 Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando.
You have set all the borders of the earth; you have made summer and winter.
18 Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.
Call to mind how the enemy hurled insults at you, Yahweh, and that a foolish people has blasphemed your name.
19 Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa.
Do not give the life of your dove to a wild animal. Do not forget forever the life of your oppressed people.
20 Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika.
Remember your covenant, for the dark regions of the land are full of places of violence.
21 Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi; varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu.
Do not let the oppressed be turned back in shame; let the poor and oppressed praise your name.
22 Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu; rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose.
Arise, God; defend your own honor; call to mind how fools insult you all day long.
23 Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu, bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira.
Do not forget the voice of your adversaries or the uproar of those who continually defy you.