< Mapisarema 73 >
1 Pisarema raAsafi. Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo.
アサフのうた 神はイスラエルにむかひ心のきよきものに對ひてまことに恵あり
2 Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika.
然はあれどわれはわが足つまづくばかりわが歩すべるばかりにてありき
3 Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa.
こはわれ惡きものの榮ゆるを見てその誇れる者をねたみしによる
4 Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba.
かれらは死るに苦しみなくそのちからは反てかたし
5 Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.
かれらは人のごとく憂にをらず人のごとく患難にあふことなし
6 Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba.
このゆゑに倣慢は妝飾のごとくその頚をめぐり強暴はころものごとく彼等をおほへり
7 Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.
かれら肥ふとりてその目とびいで心の欲にまさりて物をうるなり
8 Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe.
また嘲笑をなし惡をもて暴虐のことばをいだし高ぶりてものいふ
9 Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.
その口を天におきその舌を地にあまねく往しむ
10 Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.
このゆゑにかれの民はここにかへり水のみちたる杯をしぼりいだして
11 Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”
いへらく神いかで知たまはんや至上者に知識あらんやと
12 Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.
観よかれらは惡きものなるに常にやすらかにしてその富ましくははれり
13 Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.
誠に我はいたづらに心をきよめ罪ををかさずして手をあらひたり
14 Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.
そはわれ終日なやみにあひ朝ごとに責をうけしなり
15 Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.
われもし斯ることを述んといひしならば我なんぢが子輩の代をあやまらせしならん
16 Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo
われこれらの道理をしらんとして思ひめぐらししにわが眼いたく痛たり
17 kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.
われ神の聖所にゆきてかれらの結局をふかく思へるまでは然りき
18 Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.
誠になんぢはかれらを滑かなるところにおきかれらを滅亡におとしいれ給ふ
19 Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!
かれらは瞬間にやぶれたるかな彼等は恐怖をもてことごとく滅びたり
20 Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.
主よなんぢ目をさましてかれらが像をかろしめたまはんときは夢みし人の目さめたるがごとし
21 Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika,
わが心はうれへわが腎はさされたり
22 ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.
われおろかにして知覺なし聖前にありて獣にひとしかりき
23 Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi.
されど我つねになんぢとともにあり汝わが右手をたもちたまへり
24 Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.
なんぢその訓諭をもて我をみちびき後またわれをうけて榮光のうちに入たまはん
25 Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.
汝のほかに我たれをか天にもたん地にはなんぢの他にわが慕ふものなし
26 Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
わが身とわが心とはおとろふされど神はわがこころの磐わがとこしへの嗣業なり
27 Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri.
観よなんぢに遠きものは滅びん汝をはなれて姦淫をおこなふ者はみななんぢ之をほろぼしたまひたり
28 Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose.
神にちかづき奉るは我によきことなり われは主ヱホバを避所としてそのもろもろの事跡をのべつたへん