< Mapisarema 72 >

1 Pisarema raSoromoni. Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.
Zaburi ya Solomoni. Ee Mungu, mjalie mfalme aamue kwa haki yako, mwana wa mfalme kwa haki yako.
2 Achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira.
Atawaamua watu wako kwa haki, watu wako walioonewa kwa haki.
3 Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama.
Milima italeta mafanikio kwa watu, vilima tunda la haki.
4 Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri.
Atawatetea walioonewa miongoni mwa watu na atawaokoa watoto wa wahitaji, ataponda mdhalimu.
5 Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera,
Atadumu kama jua lidumuvyo, kama mwezi, vizazi vyote.
6 achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika.
Atakuwa kama mvua inyeshayo juu ya shamba lililofyekwa, kama manyunyu yanyeshayo ardhi.
7 Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.
Katika siku zake wenye haki watastawi; mafanikio yatakuwepo mpaka mwezi utakapokoma.
8 Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.
Atatawala kutoka bahari hadi bahari na kutoka Mto mpaka miisho ya dunia.
9 Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake, uye vavengi vake vachananzva guruva.
Makabila ya jangwani watamsujudia, na adui zake wataramba mavumbi.
10 Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure vachamuvigira mutero; madzimambo eShebha neSebha vachamupa zvipo.
Wafalme wa Tarshishi na wa pwani za mbali watamletea kodi; wafalme wa Sheba na Seba watampa zawadi.
11 Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira.
Wafalme wote watamsujudia na mataifa yote yatamtumikia.
12 Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira.
Kwa maana atamwokoa mhitaji anayemlilia, aliyeonewa asiye na wa kumsaidia.
13 Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.
Atawahurumia wanyonge na wahitaji na kuwaokoa wahitaji kutoka mauti.
14 Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.
Atawaokoa kutoka uonevu na ukatili, kwani damu yao ni ya thamani machoni pake.
15 Iye ngaararame upenyu hurefu! Goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari. Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera uye vamuropafadze zuva rose.
Aishi maisha marefu! Na apewe dhahabu ya Sheba. Watu wamwombee daima na kumbariki mchana kutwa.
16 Zviyo ngazviwande munyika yose; ngazvizengaire pamusoro pezvikomo. Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni; ngazvibukire sebundo romusango.
Nafaka ijae tele katika nchi yote, juu ya vilele vya vilima na istawi. Tunda lake na listawi kama Lebanoni, listawi kama majani ya kondeni.
17 Zita rake ngarigare nokusingaperi; ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva. Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye, uye vachamuti, ano mufaro.
Jina lake na lidumu milele, na lidumu kama jua. Mataifa yote yatabarikiwa kupitia kwake, nao watamwita aliyebarikiwa.
18 Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, iye oga anoita mabasa anoshamisa.
Bwana Mungu, Mungu wa Israeli, apewe sifa, yeye ambaye peke yake hutenda mambo ya ajabu.
19 Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake.
Jina lake tukufu lisifiwe milele, ulimwengu wote ujae utukufu wake.
20 Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.
Huu ndio mwisho wa maombi ya Daudi mwana wa Yese.

< Mapisarema 72 >