< Mapisarema 71 >

1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; ngandirege kutongonyadziswa.
Tebi si, Jahve, utječem, ne daj da se ikada postidim!
2 Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu; rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese.
U pravdi me svojoj spasi i izbavi, prikloni uho k meni i spasi me!
3 Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda; rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
Budi mi hrid utočišta i čvrsta utvrda spasenja: jer ti si stijena i utvrda moja.
4 Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa, pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye.
Bože moj, istrgni me iz ruke zlotvora, iz šake silnika i tlačitelja:
5 Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha, ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.
jer ti si, o Gospode, ufanje moje, Jahve, uzdanje od moje mladosti!
6 Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu; ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu. Ndicharamba ndichikurumbidzai.
Na te se oslanjam od utrobe; ti si mi zaštitnik od majčina krila: u te se svagda uzdam.
7 Ndava sechishamiso kuvazhinji, asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.
Mnogima postadoh čudo, jer ti si mi bio silna pomoć.
8 Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu, ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.
Usta mi bijahu puna tvoje hvale, slaviše te svaki dan!
9 Regai kundirasa pandinenge ndakwegura; musandisiya kana simba rangu rapera.
Ne zabaci me u starosti: kad mi malakšu sile, ne zapusti me!
10 Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu; avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete.
Jer govore o meni moji dušmani, i koji me vrebaju složno se svjetuju:
11 Vanoti, “Mwari amusiya; muteverei mumubate, nokuti hakuna achamununura.”
“Bog ga je napustio; progonite ga i uhvatite jer nema tko da ga spasi!”
12 Regai kuva kure neni, imi Mwari; uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire.
O Bože, ne stoj daleko od mene, Bože moj, pohitaj mi u pomoć!
13 Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe; vaya vanoda kundikuvadza ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa.
Neka se postide i propadnu koji traže moj život; nek' se sramotom i stidom pokriju koji mi žele nesreću!
14 Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro; ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya.
A ja ću se uvijek uzdati, iz dana u dan hvaleć' te sve više.
15 Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu, nezvoruponeso rwenyu zuva rose, kunyange ndisingazivi chiyero charwo.
Ustima ću naviještati pravednost tvoju, povazdan pomoć tvoju: jer im ne znam broja.
16 Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha; ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga.
Kazivat ću silu Jahvinu, Gospode, slavit ću samo tvoju pravednost.
17 Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa, nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa.
Bože, ti mi bijaše učitelj od mladosti moje, i sve do sada naviještam čudesa tvoja.
18 Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena, musandisiya, imi Mwari, kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera, nesimba renyu kuna vose vari kuzouya.
Ni u starosti, kad posijedim, Bože, ne zapusti me, da kazujem mišicu tvoju naraštaju novom i svima budućima silu tvoju,
19 Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari, iyemi makaita zvinhu zvikuru. Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?
i pravednost tvoju, Bože, koja seže do neba, kojom učini velika djela. Bože, tko je kao ti!
20 Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza, muchadzosa upenyu hwangu zvakare; kubva kwakadzika kwepasi muchandibudisazve.
Trpljenja mnoga i velika bacio si na me: ali ti ćeš me opet oživiti i opet me podići iz dubine zemlje.
21 Muchawedzera kukudzwa kwangu, uye muchandinyaradzazve.
Povećaj dostojanstvo moje i opet me utješi:
22 Ndichakurumbidzai nembira nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu; ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa, imi Mutsvene woga waIsraeri.
A ja ću uz harfu slaviti tvoju vjernost, o Bože, svirat ću ti u citaru, Sveče Izraelov!
23 Miromo yangu ichadanidzira nomufaro pandinokurumbidzai nenziyo, iyeni, wamakadzikinura.
Moje će usne klicati pjevajuć' tebi i moja duša koju si spasio.
24 Rurimi rwangu ruchataura nezvamabasa enyu akarurama zuva rose, nokuti avo vaida kundikuvadza vanyadziswa uye vakanganiswa.
I moj će jezik svagda slaviti pravdu tvoju, jer su postiđeni i posramljeni oni što traže moju nesreću.

< Mapisarema 71 >