< Mapisarema 70 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro. Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari; Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire.
לַ֝מְנַצֵּ֗חַ לְדָוִ֥ד לְהַזְכִּֽיר׃ אֱלֹהִ֥ים לְהַצִּילֵ֑נִי יְ֝הוָ֗ה לְעֶזְרָ֥תִי חֽוּשָֽׁה׃
2 Vanotsvaka upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vakanganiswe; vose vanofarira kuparara kwangu ngavadzorwe shure vanyare.
יֵבֹ֣שׁוּ וְיַחְפְּרוּ֮ מְבַקְשֵׁ֪י נַ֫פְשִׁ֥י יִסֹּ֣גוּ אָ֭חוֹר וְיִכָּלְמ֑וּ חֲ֝פֵצֵ֗י רָעָתִֽי׃
3 Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo.
יָ֭שׁוּבוּ עַל־עֵ֣קֶב בָּשְׁתָּ֑ם הָ֝אֹמְרִ֗ים הֶ֘אָ֥ח ׀ הֶאָֽח׃
4 Asi vose vanokutsvakai ngavafare nokufarisisa mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti, “Mwari ngaakudzwe!”
יָ֘שִׂ֤ישׂוּ וְיִשְׂמְח֨וּ ׀ בְּךָ֗ כָּֽל־מְבַ֫קְשֶׁ֥יךָ וְיֹאמְר֣וּ תָ֭מִיד יִגְדַּ֣ל אֱלֹהִ֑ים אֹ֝הֲבֵ֗י יְשׁוּעָתֶֽךָ׃
5 Asi ndiri murombo nomushayiwi; uyai nokukurumidza kwandiri, imi Mwari. Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Haiwa Jehovha, musanonoka.
וַאֲנִ֤י ׀ עָנִ֣י וְאֶבְיוֹן֮ אֱלֹהִ֪ים חֽוּשָׁ֫ה־לִּ֥י עֶזְרִ֣י וּמְפַלְטִ֣י אַ֑תָּה יְ֝הוָ֗ה אַל־תְּאַחַֽר׃

< Mapisarema 70 >