< Mapisarema 7 >

1 Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,
שגיון לדוד אשר שר ליהוה על דברי כוש בן ימיני יהוה אלהי בך חסיתי הושיעני מכל רדפי והצילני׃
2 kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.
פן יטרף כאריה נפשי פרק ואין מציל׃
3 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,
יהוה אלהי אם עשיתי זאת אם יש עול בכפי׃
4 kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,
אם גמלתי שולמי רע ואחלצה צוררי ריקם׃
5 ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva.
ירדף אויב נפשי וישג וירמס לארץ חיי וכבודי לעפר ישכן סלה׃
6 Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.
קומה יהוה באפך הנשא בעברות צוררי ועורה אלי משפט צוית׃
7 Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro;
ועדת לאמים תסובבך ועליה למרום שובה׃
8 Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.
יהוה ידין עמים שפטני יהוה כצדקי וכתמי עלי׃
9 Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.
יגמר נא רע רשעים ותכונן צדיק ובחן לבות וכליות אלהים צדיק׃
10 Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.
מגני על אלהים מושיע ישרי לב׃
11 Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.
אלהים שופט צדיק ואל זעם בכל יום׃
12 Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake agogadzirira.
אם לא ישוב חרבו ילטוש קשתו דרך ויכוננה׃
13 Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa.
ולו הכין כלי מות חציו לדלקים יפעל׃
14 Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.
הנה יחבל און והרה עמל וילד שקר׃
15 Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera.
בור כרה ויחפרהו ויפל בשחת יפעל׃
16 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.
ישוב עמלו בראשו ועל קדקדו חמסו ירד׃
17 Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake, uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.
אודה יהוה כצדקו ואזמרה שם יהוה עליון׃

< Mapisarema 7 >