< Mapisarema 68 >

1 Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vavengi vake ngavatize pamberi pake.
Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vavengi vake ngavatize pamberi pake.
2 Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.
Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.
3 Asi vakarurama ngavafare, vafarisise pamberi paMwari; ngavafare vapembere.
Asi vakarurama ngavafare, vafarisise pamberi paMwari; ngavafare vapembere.
4 Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore, zita rake ndiJehovha, uye farai pamberi pake.
Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore, zita rake ndiJehovha, uye farai pamberi pake.
5 Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.
Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.
6 Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri, anosesedza vasungwa vachiimba; asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.
Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri, anosesedza vasungwa vachiimba; asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.
7 Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari, pamakafamba napakati perenje, Sera
Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari, pamakafamba napakati perenje, Sera
8 nyika yakazungunuka, matenga akadurura mvura, pamberi paMwari, iye weSinai, pamberi paMwari, iye Mwari waIsraeri.
nyika yakazungunuka, matenga akadurura mvura, pamberi paMwari, iye weSinai, pamberi paMwari, iye Mwari waIsraeri.
9 Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji; mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.
Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji; mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.
10 Vanhu venyu vakagaramo, uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.
Vanhu venyu vakagaramo, uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.
11 Ishe akataura shoko, vanhu vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:
Ishe akataura shoko, vanhu vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:
12 “Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza; mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa.
“Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza; mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa.
13 Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa, mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha, minhenga yayo negoridhe rinovaima.”
Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa, mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha, minhenga yayo negoridhe rinovaima.”
14 Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika, zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.
Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika, zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.
15 Makomo eBhashani makomo oushe; makomo eBhashani akati twi.
Makomo eBhashani makomo oushe; makomo eBhashani akati twi.
16 Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi, pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo, pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?
Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi, pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo, pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?
17 Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru nezviuru zvezviuru; Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.
Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru nezviuru zvezviuru; Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.
18 Pamakakwira kumusoro, makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu; mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu, kunyange zvaibva kuna vakapanduka, kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.
Pamakakwira kumusoro, makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu; mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu, kunyange zvaibva kuna vakapanduka, kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.
19 Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera
Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera
20 Mwari wedu ndiMwari anoponesa; kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.
Mwari wedu ndiMwari anoponesa; kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.
21 Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.
Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.
22 Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani; ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,
Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani; ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,
23 kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako, ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”
kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako, ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”
24 Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari, mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene.
Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari, mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene.
25 Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa; pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni.
Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa; pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni.
26 Rumbidzai Mwari paungano huru; rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri.
Rumbidzai Mwari paungano huru; rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri.
27 Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira, hawo machinda mazhinji aJudha, uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari.
Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira, hawo machinda mazhinji aJudha, uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari.
28 Danai simba renyu, imi Mwari; tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.
Danai simba renyu, imi Mwari; tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.
29 Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema, madzimambo achakuvigirai zvipo.
Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema, madzimambo achakuvigirai zvipo.
30 Tukai mhuka dziri pakati petsanga, mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi. Ngavauye nesirivha, vakazvininipisa. Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa.
Tukai mhuka dziri pakati petsanga, mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi. Ngavauye nesirivha, vakazvininipisa. Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa.
31 Nhume dzichabva kuIjipiti; Etiopia ichazviisa pasi paMwari.
Nhume dzichabva kuIjipiti; Etiopia ichazviisa pasi paMwari.
32 Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi, rumbidzai Ishe nenziyo, Sera
Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi, rumbidzai Ishe nenziyo, Sera
33 kuna iye anotasva matenga akare kumusoro, iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.
kuna iye anotasva matenga akare kumusoro, iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.
34 Paridzai simba raMwari, iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri, ane simba riri kudenga denga.
Paridzai simba raMwari, iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri, ane simba riri kudenga denga.
35 Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene; Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake. Mwari ngaarumbidzwe!
Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene; Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake. Mwari ngaarumbidzwe!

< Mapisarema 68 >