< Mapisarema 68 >

1 Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vavengi vake ngavatize pamberi pake.
伶長にうたはしめたるダビデのうたなり 讃美なり ねがはくは神おきたまへ その仇はことごとくちり 神をにくむものは前よりにげさらんことを
2 Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.
烟のおひやらるるごとくかれらを駆逐たまへ 惡きものは火のまへに蝋のとくるごとく 神のみまへにてほろぶべし
3 Asi vakarurama ngavafare, vafarisise pamberi paMwari; ngavafare vapembere.
されど義きものには歓喜あり かれら神の前にてよろこびをどらん實にたのしみて喜ぱん
4 Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore, zita rake ndiJehovha, uye farai pamberi pake.
神のみまへにうたへ その名をほめたたへよ 乗て野をすぐる者のために大道をきづけ かれの名をヤハとよぶ その前によろこびをどれ
5 Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.
きよき住居にまします神はみなしごの父やもめの審士なり
6 Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri, anosesedza vasungwa vachiimba; asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.
神はよるべなきものを家族の中にをらしめ囚人をとき福祉にみちびきたまふ されど悖逆者はうるほひなき地にすめり
7 Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari, pamakafamba napakati perenje, Sera
神よなんぢは民にさきだちいでて野をすすみゆきたまひき (セラ)
8 nyika yakazungunuka, matenga akadurura mvura, pamberi paMwari, iye weSinai, pamberi paMwari, iye Mwari waIsraeri.
そのとき地ふるひ天かみのみまへに漏る シナイの山すら神イスラエルの神の前にふるひうごけり
9 Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji; mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.
神よなんぢの嗣業の地のつかれおとろへたるとき豊かなる雨をふらせて之をかたくしたまへり
10 Vanhu venyu vakagaramo, uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.
襄になんぢの公會はその中にとどまれり 神よなんぢは恵をもて貧きもののために預備をなしたまひき
11 Ishe akataura shoko, vanhu vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:
主みことばを賜ふ その佳音をのぶる婦女はおほくして群をなせり
12 “Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza; mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa.
もろもろの軍旅の王たちはにげさる 逃去りたれば家なる婦女はその掠物をわかつ
13 Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa, mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha, minhenga yayo negoridhe rinovaima.”
なんぢら羊の牢のうちにふすときは鴿のつばさの白銀におほはれその毛の黄金におほはるるがごとし
14 Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika, zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.
全能者かしこにて列王をちらし給へるときはサルモンの山に雪ふりたるがごとくなりき
15 Makomo eBhashani makomo oushe; makomo eBhashani akati twi.
バシャンのやまは神の山なりバシャンのやまは峰かさなれる山なり
16 Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi, pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo, pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?
峰かさなれるもろもろの山よ なんぢら何なれば神の住所にえらびたまへる山をねたみ見るや 然れヱホバは永遠にこの山にすみたまはん
17 Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru nezviuru zvezviuru; Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.
神の戦車はよろづに萬をかさね千にちぢをくはふ 主その中にいませり 聖所にいますがごとくシナイの山にいまししがごとし
18 Pamakakwira kumusoro, makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu; mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu, kunyange zvaibva kuna vakapanduka, kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.
なんぢ高處にのぼり虜者をとりこにしてひきゐ礼物を人のなかよりも叛逆者のなかよりも受たまへり ヤハの神ここに住たまはんが爲なり
19 Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera
日々にわれらの荷をおひたまふ主われらのすくひの神はほむべきかな (セラ)
20 Mwari wedu ndiMwari anoponesa; kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.
神はしばしばわれらを助けたまへる神なり 死よりのがれうるは主ヱホバに由る
21 Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.
神はその仇のかうべを撃やぶりたまはん 愆のなかにとどまるものの髪おほき顱頂をうちやぶりたまはん
22 Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani; ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,
主いへらく我バシャンよりかれらを携へかへり海のふかき所よりたづさへ歸らん
23 kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako, ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”
斯てなんぢの足をそのあたの血にひたし之をなんぢの犬の舌になめしめん
24 Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari, mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene.
神よすべての人はなんぢの進行きたまふをみたり わが神わが王の聖所にすすみゆきたまふを見たり
25 Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa; pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni.
鼗うつ童女のなかにありて謳ふものは前にゆき琴ひくものは後にしたがへり
26 Rumbidzai Mwari paungano huru; rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri.
なんぢらすべての會にて神をほめよイスラエルのみなもとより出るなんぢらよ 主をほめまつれ
27 Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira, hawo machinda mazhinji aJudha, uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari.
彼處にかれらを統るとしわかきベニヤミンあり ユダの諸侯とその群衆とありまたゼブルンのきみたちナフタリの諸侯あり
28 Danai simba renyu, imi Mwari; tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.
なんぢの神はなんぢの力をたてたまへり 神よなんぢ我儕のためになしたまひし事をかたくしたまヘ
29 Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema, madzimambo achakuvigirai zvipo.
ヱルサレムなるなんぢの宮のために列王なんぢに礼物をささげん
30 Tukai mhuka dziri pakati petsanga, mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi. Ngavauye nesirivha, vakazvininipisa. Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa.
ねがはくは葦間の獣むらがれる牯犢のごときもろもろの民をいましめてかれらに白銀をたづさへきたり みづから服ことを爲しめたまへ 神はたたかひを好むもろもろの民をちらしたまへり
31 Nhume dzichabva kuIjipiti; Etiopia ichazviisa pasi paMwari.
諸侯はエジプトよりきたり エテオピアはあわただしく神にむかひて手をのべん
32 Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi, rumbidzai Ishe nenziyo, Sera
地のもろもろのくによ神のまへにうたへ主をほめうたヘ (セラ)
33 kuna iye anotasva matenga akare kumusoro, iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.
上古よりの天の天にのりたま者にむかひてうたへ みよ主はみこゑを発したまふ勢力ある聲をいだしたまふ
34 Paridzai simba raMwari, iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri, ane simba riri kudenga denga.
なんぢらちからを神に歸せよその稜威はイスラエルの上にとどまり その大能は雲のなかにあり
35 Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene; Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake. Mwari ngaarumbidzwe!
神のおそるべき状はきよき所よりあらはる イスラエルの神はその民にちからと勢カとをあたへたまふ 神はほむべきかな

< Mapisarema 68 >