< Mapisarema 67 >
1 Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo. Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera
Mungu atuhurumie sisi na kutubariki na kufanya nuru ya uso wake ituangazie (Selah)
2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.
ili kwamba njia zako zijulikane nchi yote, wokovu wako kati ya mataifa yote.
3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
Watu wakusifu wewe, Mungu; watu wote wakusifu wewe.
4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera
Oh, mataifa wafurahi na na kuimba kwa furaha, maana utawahukumu watu kwa haki na kuwaongoza mataifa walioko duniani.
5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
Watu wakushukuru wewe, Mungu; watu wote wakusifu wewe.
6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.
Nchi imetoa mavuno yake na Mungu, Mungu wetu, ametubariki.
7 Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.
Mungu ametubariki sisi, na miisho yote ya dunia itamuheshimu yeye.